Mukuru wehofisi yaComptroller and Auditor- General, Amai Mildred Chiri, vanoti makanzuru emaguta nemadhorobha akawanda munyika haasi kuita basa nemazvo akaita sekutakura marara nekuwanisa vanhu mvura yakachena.
Sachigaro wedunhu diki reMakonde mubato reZanu PF, VaKindness Paradza, vabvuma kuti ichokwadi kuti vakanyorera tsamba dunhu ravo reMakonde kuitira kuti vanhu vaendese magwaro avo senzira yekugara vakagadzirira kana sarudzo dzazobvumidzwa kuitwa munyika.
Mutevedzeri wemutungamiriri wenyika, uye vari gurukota rezvehutano, VaConsantino Chiwenga, vakaisa mitemo mitsva munyika inorambidza chero mhando dzipi dzekungano kunze kweparufu panodiwa vanhu makumi matutu, senzira yekudzivirira chirwere cheCovid-19.
Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, RBZ, rakazivisa nezuro kuti kubva musi wa01 Chikunguru gore rino mabhanga ose emunyika anenge osungirwa kubhadhara miripo pamari dzaanenge akachengeta, kana kuti interest sezvinodiwa nemutemo weStatutory Instrument 65A wegore ra2020.
Zvichitevera chikumbiro chakaitwa nemutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, kumutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, chekuti sarudzo dzema ’by-elections’ dzimbomiswa, vazhinji vari kuvashora zvikuru.
Vashandi vehurumende dzenyika dzemuAfrica vari kusangana kuVictoria Falls kwemazuva matatu, kutanga nezuro, Muvhuro.
Sangano rinoona nezvemagomarara reCancer Association of Zimbabwe rinoti varume vakawanda vari kufa negomarara resikarudzi kana kuti prostate cancer sezvo vachizoenda kunovheneka chirwere ichi chatokomba.
Sangano reSports and Recreation Commission rinoti richiri kuzeya chikumbiro cheZIFA chekuti mitambo yenhabvu iyo yakambomiswa ienderere mberi zvinozopawo kuti chikwata chemaWarriors chikwanise kutanga gadziriro yekuenda umakundano eCOSAFA Cup kuSouth Africa mwedzi unouya.
Fata mukuru weRoman Catholic Church, Father Emmanuel Francis Ribeiro, avo vakashaya nemusi weChina chadarika varadzikwa neMuvhuro panzvimbo inovigwa magamba yeNational Heroes Acre muHarare, vakava mufundisi wekutanga kuradzikwa panzvimbo iyi.
Mukuru mubazi rezvehutano mudunhu reMashonaland West Dr Gift Masoja vabvuma kuti kune vanhu vakabayiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 asi vakabatwa nechirwere ichi muChinhoyi neKaroi.
Mamwe masangano anomirira varairidzi, anoti reZimbabwe National Union of School Heads neProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, ari kukurudzira hurumende kuti iendese mberi kuvhurwa kwezvikoro kusvika panopera chando senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 muzvikoro.
Zimbabwe nemusi weMugovera yakabatana nedzimwe nyika mukucherechedza zuva revapoteri kana kuti World Refugee Day apo Unieted Nations iri kuchechema chema nekuwedzera kwehuwandu hwevanhu vari kumanikidzwa kusiya misha yavo vachienda muhupoteri.
Rodhai zvimwe