Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vokurudzira Kuvhurwa kweZvikoro Chando Chapera Kuitira Kudzivirira Kupararira kweCovid-19


Zvikoro zviri klutarisirwa kuvhurwa musi wa 29 Chikumi, 2021.
Zvikoro zviri klutarisirwa kuvhurwa musi wa 29 Chikumi, 2021.

Mamwe masangano anomirira varairidzi, anoti reZimbabwe National Union of School Heads neProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, ari kukurudzira hurumende kuti iendese mberi kuvhurwa kwezvikoro kusvika panopera chando senzira yekudzivirira kupararira kwedenda reCovid-19 muzvikoro.

Masangano maviri aya aya anoti nekuda kwekukwira kwehuwandu hwevanhu vari kubatwa pamwe nekufa neCovid-19, zvakakosha kutora matanho anochengetedza vana pamwe nevarairidzi.

Zvikoro zvinotarisirwa kuvhurwa nemusi weChipiri svondo rinouya.

Sangano renhau reThe News Hawks rinoti sangano rinomirira vatungamiri vezvikoro, reZimbabwe National Union of Schools Heads, riri kukurudzira kuti zvikoro zvizovhurwa munguva yekudziya, zvakaita sepakati paNyamavhuvhu.

Ukuwo, mukuru weProgressive Teachers’ Union of Zimbabwe, PTUZ, Doctor Takavafira Zhou, vanoti zvikoro hazvifanirwe kuvhurwa nguva ino yechando sezvo muzvikoro musina zvikwanisiro zvekudzivirira kupararira kwehutachiwana.

Doctor Zhou vanpoti sangano ravo rave nesvondo richikurudzira kuti hurumende isaenderere mberi nehuronhwa hwekuvhurwa nwezvikoro, vachiti sevarairidzi vakazvipira kudzidzisa pamadandemutande kuburikidza nedzinharembozha.

Vanoti hurumende chayo chainofanirwa kuita kupa varairidzi pari dzekuti vakwanise kutenga zvinodiwa kuti vakwanise kudzidzisa nepanharembozha, uyewo kuti iwanise vana vasina nharembozha kuitira kuti vakwanise kudzidza vari kudzimba.

Nyanzvi mune zvehutano dzinoti nekuda kwekuti munguva yekutonhora vanhu vanogara munzvimbo dzinodziya vakaungana, hutachiwana hunogona kupararira nekukasika.

Mutauriri webazi redzidzo yepasi, VaTaungana Ndoro, vaudza Studio 7 kuti bazi ravo richatanga ranzwa zvichabuda mumusangano wemakurukota wesvondo rino kuti rizoziva matanho ekutora.

Hurukuro naDoctor Takavafira Zhou
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG