Accessibility links

Breaking News

Fata Mukuru weRoman Catholic, Father Ribeiro, Vanoradzikwa kuHeroes' Acre


Mushakabvu Father Emmanuel Ribeiro veRoman Catholic
Mushakabvu Father Emmanuel Ribeiro veRoman Catholic

Fata mukuru weRoman Catholic Church, Father Emmanuel Francis Ribeiro, avo vakashaya nemusi weChina chadarika varadzikwa neMuvhuro panzvimbo inovigwa magamba yeNational Heroes Acre muHarare, vakava mufundisi wekutanga kuradzikwa panzvimbo iyi.

Mumashoko avo pakuradzikwa kwaFather Ribeiro, mutungamiriri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vatenda mhuri yekwaRibeiro pamwe nekereke yeRoman Catholic vachiti kunyange hazvo vaine machengetero avanoita nhengo dzavo dzinenge dzafa, vatambira chikumbiro chehurumende chekuti Father Ribeiro vavigwe paNational Heroes Acre nekuda kwemabasa makuru avakaita kubatsira vanhu veZimbabwe, musvondo, nunguva yehondo, mumajeri nedzimwe nzvimbo.

VaMnangagwa vati ivo pachavo vanotenda Father Ribeiro nekuvabatsira kuti vasaurayiwe mushure mekutongerwa rufu panguva yehondo kuma1960s.

Vati mushakabvu munhu aive nezvipo zvakawanda uye vakazvishandisa nemazvo mumabasa avo ekunyora mabhuku nenziyo dzesvondo idzo vatiwo dzakabatsira vanhu zvakanyanya.

VaMnangagwa vati Father Ribeiro munhu ange asingadi mutongo werufu uye vakarwisa zvakasimba kuti chirango chakadai chibviswe. Vatiwo Baba Ribeiro vafa vari mushishi rekunyora nhoroondo yenyika ino.

VaMnangagwa vatiwo Father Ribeiro vaive mukomiti yakagadzira mureza weZimbabwe uye ndivo vaive sachigaro wekomiti yakanyora rwiyo rwenyika kana kuti National Anthem, uye vati izvi zvicharangarirwa nekusingaperi nevana veZimbabwe.

Vaenderera mberi vachiti Father Ribeiro vakabatanawo nevamwe vedzisvondo kushora zvirango zvehupfumi zvakatemerwa Zimbabwe uyewo vakatsigira chirongwa chekutora minda, uye vakanyorawo zvakawanda pamusoro pacho.

Vachitaurawo paHeroes Acre, mutevedzeri wemukuru weRoman Catholic mudunhu reHarare, kana kuti Vicar General, Father Kennedy Muguti, vati mushakabvu raive gamba uye munhu akazvipira mukubatsira vanhu pamweya nepanyama.

Mumwe mugari wemuHarare, VaMath Rutsito, vati vanofara neruremekedzo rwapihwa Father Ribeiro kunyange hazvo vaida kuti vavigwe kunovigwa mafata kumarinda ekuChishawasha.

Father Ribeiro vakashaya kuchipatara che St. Annes muHarare vave nemakore makumi masere nematanhatu ekuberekwa.

Vakazvarwa kuChivhu muna 1935, vakadzidza kwaKutama Mission, Gokomere neGweru Teachers College.

Vakaita zvidzidzo zveTheology paChishawasha Mission ndokuzoenda kunoita zvidzidzo zveMaster’s Degree paBloomington College of Music kuAmerica. Vakagadzwa kuve Fata musi waDecember 13, 1964.

Nyaya ina Godwin Mangudya
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG