Mutauriri weboka revechidiki muMDC Alliance, VaStephen Chuma, vati zvakaitwa nemapurisa zvinoratidza pachena kuti hurumende iri kuramba ichishungurudza Muzvare Netsai Marova.
Kanzuru yeguta reHarare yakafumira kuputsa zvivakwa zvisiri pamutemo nemusi weChipiri mumusha weGlen View 8, panzvimbo inozivikanwa nerekuti Glen View Home Industry.
Sangano reConsumer Council of Zimbabwe rinoti kusvika musi wa 09 Chikumi, unove mwedzi uno, mhuri ine vanhu vatanhatu yaida madhora emunyika zviuru makumi mana nemazana matanhatu ane makumi masere nemaviri, kana kuti RTGS$40 682.84, kuti ikwanise kurarama.
Mhuri dzinosvika gumi nembiri dzicharamba dzichigara panze nevana vacheche mushure mekunge chikumbiro chadzo chekuti kuburitswa kwadzo mudzimba dzekanzuru yeMutare kumbosendekwa parutivi.
Kuenderera mberi kwedenda reCovid 19 kwapinza vanorarama nehusope munguva yakaoma sezvo zviri kuvashaisa chekudya pamwe nemafuta avanozora senzira yekudzivirira gomarara reganda, rinova ndiro denda rinonyanya kuvhiringidza hutano hwavo.
Vadzidzisi vanoshandira muBotswana vari zvizvarwa zveZimbabwe vanoti vari kufara zvikuru nedanho rakatorwa nehurumende yenyika iyi rekuronga kunge yabaya vadzidzisi vose mukupera kwemwedzi waChikunguru.
Masangano akazvimirira munyika ari kushoropodza bato reZanu PF nekuapomera kwarinonzi rakaita mhosva yekupindira mune zvematongerwe enyika richiti mazhinji emasangano aya achamiswa kushanda munyika.
Boka reZimbabwe National Statistics Agency, Zimstat, rinoti mitengo yezvinhu yakaramba ichikwira mumwedzi uno panguva iyo mihoro yevazhinji isiri kuchinja.
Bazi rezvehutano rakazivisa neSvondo kuti vanhu gumi nemumwe (11) vakafa nechirwere cheCovid-19 zvakasiya vafa nechirwere ichi vave chiuru nemazana manomwe nemakumi matatu nevatanhatu, kana kuti 1 736.
Bazi rezvehutano rakazivisa neMugovera kuti vanhu vana vakafa nechirwere cheCovid-19 zvakasiya vafa nechirwere ichi vave chiuru nemazana manomwe nemakumi maviri nevashanu, kana kuti 1 725.
Rodhai zvimwe