Accessibility links

Breaking News

Vanhurume Vokurudzirwa Kuvhenekwa Prostate Cancer Nguva Ichipo


Vanhurume vanokurudzirwa kuti vavhenekwe kana vaine gomarara repasikarudzi kuitira kuti rigorapwa paine nguva.
Vanhurume vanokurudzirwa kuti vavhenekwe kana vaine gomarara repasikarudzi kuitira kuti rigorapwa paine nguva.

Sangano rinoona nezvemagomarara reCancer Association of Zimbabwe rinoti varume vakawanda vari kufa negomarara resikarudzi kana kuti prostate cancer sezvo vachizoenda kunovheneka chirwere ichi chatokomba.

Mwedzi waChikumi ndiwo unodzidziswa vanhu nezvedenda iri nekukosha kwekukurumidzwa kurapwa sezvo richirapika kana rikawanikwa nechimbichimbi.

Studio 7 yakwanisa kubata VaBakie Padzarondora vanogara kuHatfield, avo vati vakarapwa gomarara repasikarudzi rikapera vachiti vave kutodzidzisa vamwe nezvedenda iri.

VaPadzarondora vati varume havabude pachena kana kutaura zvirikuvanetsa panyaya dzezvehutano hwavo nokudaro vakurudzirawo madzimai nemhuri dzese kuti dzibatsire vanababa panyaya yegomarara resikarudzi.

VaBenjamin Mazhindu vanogara kuBudiriro vati vakayambirwa nezvechirwere ichi zvokuti vanogara vachienda kunoongororwa gomarara iti nokuti vakaona hama neshamwari dzakawanda dzichifa nekusada kunopota dzichivhenekwa.

Mukuru anoita zvedzidziso yezvedenda remagomarara akasiyana siyana musangano reCancer Association of Zimbabwe, VaLovemore Makurirofa, vati gomarara resikarudzi ndiro riri kuuraya varume vakawandisa kudarika mamwe ose.

Mukuru weCancer Registry iri pachipatara cheParirenyatwa, iyo iri pasi pebazi rezvehutano, VaEric Chokunonga, vatsinhirawo vachiti zvirwere zvegomarara zviri kuwanda chaizvo munyika zvokuti vamwe vanozoguma vazoitwa maoparesheni ekubvisa nyama dzinenge dzavhiringwa nedenda iri.

VaChokunonga vanoti vanhu zviuru zvinomwe, 7 000, vanobatwa nezvirwere zvegomarara pagore uye magomarara ari kunyanya kubata vanhu anosanganisira epasikarudzi, repazamu, remudumbu nemamwe.

Mutevedzeri wemukuru anoona nazvematenda asingatapuriranwe mubazi rezvehutano, Dr Justice Mudavanhu, vaudza Studio 7 kuti hurumende ine hurongwa hwekupinda munzvimbo dzakasiyana siyana ichidzidzisa veruzhinji maererano nezvezvirwere zvisingatapuriranwe zvinenge shuga nezvemagomarara.

Asi vati havo chirongwa ichi chakambomiswa nekuda kwemitemo yakatarwa nebazi rezvehutano iyo isingabvumidze kuungana kwevanhu nenyaya yedenda reCovid 19.

Nyaya ina Kiri Mudzamiri
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG