Kanzuru yeguta reHarare yafumira kuputsa zvivakwa zvese zvisiri pamutemo mumusha weMbare izvo zvasiya vanhu vakawanda varasikirwa nemidziyo inokosha zviuru nezviuru zvemadhora.
Fata mukuru we Roman Catholic Church, Baba Emmanuel Francis Ribeiro, avo vakashaya nemusi weChina, vapihwa ruremekedzo rwegamba nehurumende.
Zimbabwe yabatana neZambia mukuchema mutungamiri wekutanga wenyika iyi, VaKeneth Kaunda, avo vakashaya nezuro vanhu vachiremekedza mabasa akaitwa nemufi achiri mupenyu.
Ongororo yakaitwa neAfrobarometer inoratidza kuti Zanu PF inokunda zvishoma musarudzo yemutungamiri wenyika ikaitwa mangwana ichiteverwa neMDC Alliance.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa nezvedanho rehurumende iri rekuvhara dunhu reMakonde iro rinosanganisira guta reChinhoyi, Mhangura neLions Den mugwaro ravakanyora nezuro.
Zuva iri rinocherechedza kupedzwa kwehuranda munyika iyi musi wa Chikumi 19, 1865 muGalveston, mudunhu reTexas, zvichitevera mutemo wakanga wadzikwa muna 1863 nevaive mutungamiri weAmerica, VaAbraham Lincoln, weEmancipation Proclamation.
Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vanomwe (7), vakafa neCovid-19, vamwe mazana matatu nemakumi manomwe nemumwe, kana kuti 371, vakawanikwa vaine chirwere ichi.
Sangano rinokweretesa mariu pasi rose, reInternational Monetary Fund (IMF) rinoti hupfumi hweZimbabwe hunotarisirwa kukura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana gore rino.
Mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vadzinga basa vaimbove mutongi wedare remhosva repamusoro, Amai Erica Ndewere, mushure mekunge vawonekwa kuti havachakodzeri kuti varambe vari mutongi wedare iri nekomiti yakaumbwa kuti ivaongorore.
Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vati vatendi munyika varasikirwa nemufundisi mukuru uyo ayigona kushanda nemasangano akasiyana siyana.
Bazi rezvehutano rinoti vanhu vatatu vakafa nechirwere cheCovid-19 munyika nemusi weChitatu zvasiya vanhu vafa kubva chirwere ichi zvachatanga kupararira vave chiuru chimwe chete nemazana matanhatu nemakumi mana kana kuti 1, 640.
Gwaro rakaburitswa neZIMVAC richiti ongororo yayakaita inoratidza kuti hurumende yakawedzera rutsigiro rwainopa kumapoka anotambura kubva pakatanga denda reCovid-19 gore rapera, raunza mutauro, vamwe vachiti harinyatsoratidzi mamiriro akaita zvinhu mumaruwa munyaya dzechikafu.
Rodhai zvimwe