Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inochema Pamwe neKurangarira Mabasa Akaitwa naVaKaunda


Former Zambian president Kenneth Kaunda

Zimbabwe yabatana neZambia mukuchema mutungamiri wekutanga wenyika iyi, VaKeneth Kaunda, avo vakashaya nezuro vanhu vachiremekedza mabasa akaitwa nemufi achiri mupenyu.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vatara mazuva matatu ekuti Zimbabwe icheme pamwe nekurangarira mabasa akaitwa naVaKaunda.

VaMnangagwa vatiwo mireza yeZimbabwe ichange yakadzikiswa kwemazuva matatu.

Mushandi mukuru mubazi rezvekufambiswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati bato ravo nemutungamiriri waro vari kurwadziwa zvikuru nekushaika kwaVaKaunda avo vati vakabatsira zvikuru bato ravo nemauto eZANLA munguva yehondo yechimurenga.

Izvi zvatsigirwa nemutauririrI wesangano reZIPRA Veterans Association
rebato reZapu, Rtd Colonel Bester Magwizi, avo vati VaKaunda pamwe
nevamwe vakuru venyika dzemuAfrica vakabatsira bato ravo kuronga hondo yekurwisa hutongi hweRhodesia nekuvapa makamba ekushandira munyika yavo.

Mutungamiri webato rinopikisa reMDC Alliance, VaNelson Chamisa,
varatidza kusuwa vachitumira mashoko avo enyaradzo kumhuri yaVaKaunda nenyika yose yeZambia, vachiti vanhu vose vemuAfrica varasikirwa nababa vedunhu reAfrica.

Mutevedzeri wemututauriri weMDC Alliance, VaCliford Hlatswayo, vati
kunze kwekubetsera dzimwe nyika kuwana kuzvitonga , VaKaunda
vairemekedza hutongi wejekerere sezvo vakabvuma kusiya chigaro mushure mekukundwa musarudzo muna 1991 naVaFredrick Chiluba vaimirira bato raipikisa.

Vanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimirira, Dr Davison Mugodzwa, avo vanodzidzisa paGreat Zimbabwe University, vati basa rakaitwa naVaKaunda rinokosheswa munhorondo yezvidzidzo zvekurwisa kupambwa kwedunhu reAfrica.

Asi vaimbove nhengo huru yeZanu PF nedare reChimurenga kuZANLA munguva yehondo, uye vakagara naVaKaunda kuZambia, VaRugare Gumbo, vati kunyange hazvo VaKaunda vakabatsira Zimbabwe kurwisa vadzvanyiriri vehichena, dzimwe nguva VaKaunda vaivhiringa hurongwa hweZanu PF muZambia.

Asi VaGumbo havana kunyatsoda kubuda pachena kuti zviii chaizvo zvaimboitwa naVaKaunda.

VaKaunda vakashaya nezuru muLusaka kuZambia vave nemakore makumi mapfumbamwe nemanomwe ekuberekwa.

Vakaita mutungamiri weZambia wekutanga muna 1964, vakazobviswa pachigaro muna 1991 naVaChiluba.

Kunyange hazvo VaKaunda nenyika yavo vari kuremekedzwa nekubatsira vana veZimbabwe munguva yehondo, Zimbabwe yakawanawo rubatsiro kubva munyika dzemuAfrica dzinoti Mozambique, Tanzania, Ethiopia nedzimwe. Dzimwe nyika dzakabatsurawo Zimbabwe nezvombo pamwe nekudzidzisa mauto erusununguko dzinosanganisira Romania, Russia, China, Yugoslavia nedzimwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG