Accessibility links

Breaking News

Baba Ribeiro Vanopihwa Ruremekedzo rweGamba reNyika


Kudzai Samaita with Father Ribeiro
Kudzai Samaita with Father Ribeiro

Fata mukuru we Roman Catholic Church, Baba Emmanuel Francis Ribeiro, avo vakashaya nemusi weChina, vapihwa ruremekedzo rwegamba nehurumende.

Sangano renhau remunyika reZBC, ndiro ratanga kuburitsa nyaya yekupihwa kwaBaba Ribeiro ruremekedzo rwegamba.

Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vanyorawo pa Twitter yavo vachiti Baba Ribeiro igamba renyika.

Mutungamiri wenyika, Va Emmerson Mnangagwa, vakurudzira vose vedzisvondo kuti varangarire Baba Ribeiro.

Father Ribeiro vakashaya vave nemakore makumi masere nematanhatu ekuberekwa, uye vaizivikanwa zvakanyanya munyaya dzekuyamura vanotambura, kunyora mimhanzi yechitendero, pamwe nekunyora mabhuku.

Father Ribeiro vane mabhuku matatu eShona avakanyora anoti Muchadura (1967), Tonderai (1969) na Ndakaitei. Mabhuku aya anomboshandiswa muzvikoro muzvidzidzo zveShona.

Mumwe akashanda naFather Ribeiro, Father Fidelis Mukonori, vati
varasikirwa neshamwari yepamoyo asi vachiti shamwari yavo yazorora semunhu akaita mabasa makuru anosanganisira kushandisa chipo chavo chekuimba mukubatanidza vanhu.

Father Mukonori vati rimwe basa guru rakaitwa naFather Ribeiro
nderekuyamura vanhu vaive mumajeri vainge vasungirwa nyaya dzezvematongerwo enyika.

Munyori mukuru weZimbabwe Council of Churches, Reverend Kenneth Mtata, vati vatendi munyika varasikirwa nemufundisi mukuru uyo ayigona
kushanda nemasangano akasiyana siyana.

Mutungamiri wechechi yeDevine Destiny, Bishop Magaya, vatiwo rufu
rwaFather Ribeiro rwunopa mutendi wese mukana wekucherechedza mabasa makuru avakaita zvikuru munyaya dzezvinyorwa zvinodzidzisa mararamiro evanhu akanaka.

Munyaya dzezvematongerwo enyika, Father Ribeiro vakayamura vaimbove
mutungamiri wenyika, mushakabvu Robert Mugabe naVaEdgar Tekere kuyambuka kuenda kuMozambique uye vakapa pekugara VaMugabe naVaEnos Nkala apo vainge vaburitswa mujeri muna 1975 mushure mekupedza makore gumi nemaviri vari muhusungwa.

Reverend Mtata vati Father Riberio vakabatsira zvakanyanya munguva
yehondo sezvo vaiziva kuti basa rekereke kuvaka nyika.

Father Riberio vakaberekerwa kuChivhu mugore ra1935 uye vakadzidza paKutama Mission ndokuzonodzidzira kuve mudzidzisi paGweru Teachers College.

Vakazoenda kunodzidzira basa rehufundisi paChishawasha ndokuzoenda kuAmerica uko vakanoita zvidzidzo zvepamusoro soro paBloomington College of Music.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG