Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi dzeHutano Dzokurudzira Kuwedzerwa kweDzidziso Pamusoro peCovid-19


Vanhu vakawanda vanonzi vanga vave kuvarairwa vasisatora matanho ekudzivirira Covid-19, kusanganisira kubaiwa nhomba.
Vanhu vakawanda vanonzi vanga vave kuvarairwa vasisatora matanho ekudzivirira Covid-19, kusanganisira kubaiwa nhomba.

Bazi rezvehutano rakazivisa nemusi weChina kuti vanhu vanomwe (7), vakafa neCovid-19, vamwe mazana matatu nemakumi manomwe nemumwe, kana kuti 371, vakawanikwa vaine chirwere ichi.

Bazi iri rinoti vanhu vaviri vakafa mudunhu reBulawayo, vaviri kuManicaland nevamwe vaviri kudunhu reMidlands kuchizotiwo mumwechete achifa mudunhu reHarare.

Izvi zvakasiya huwandu hwevanhu vafa nyika yose hwasvika chiuru chimwe nemazana matanhatu ane makumi mana nevanomwe, kana kuti 1 647.

Pavanhu vakawanikwa vaine Covid-19, mazana matatu nemakumi manomwe vanhu vagara vari munyika, kuchiti mumwe chete ari munhu akadzoka kubva kuSouth Africa.

Izvi zvakasiyawo huwandu hwevanhu vabatwa nechirwere ichi nyika yose kubva zvachatanga hwasvika pazviuru makumi mana nemazana mapfumbamwe nemakumi maviri nevanomwe, kana kuti 40 927.

Vanhu vachiri kurwara vaive zviuru zviviri zvine zana nemakumi manomwe nemumwe, kana kuti 2 171, vanhu zana nevasere vari muzvipatara.

Kusvikawo neChina, vanhu zviuru mazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe nezvisere zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nevatatu, kana kuti 698 953, vakabaiwa nhomba yekutanga nyika yose.

Vamwe zviuru mazana mana nemakumi maviri nezvinomwe zvine zana nemakumi matatu nevana, kana kuti 427 134, vakanga vabaiwawo nhomba yepiri sezvinodiwa nemutemo kudzivirira kupararira kweCovid-19.

Hurumende ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kupararira kwedenda iri.

Asi nyanzvi yezvehutano vari mukuru weCommunity Working Group on Health, vaItai Rusike, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vave kubatwa pamwe nekufa neCovid-19 kwakakonzerwa nekuti veruzhinji vanenge vakanga vaita kakuvarairwa.

Vanoti izvi ndizvo zvimwe zvakabvumidza denda iri kupinda zvakare mmuvanhu kusanganisirawo munyika dzakapoteredza Zimbabwe.

VaRusike vanoti panofanirwa kutosimbisiswa nyaya dzechenjedzo nedzidziso kuitira kudzivirira kupararira zvakare kwedenda iri ketatu, kana kuti 3rd Wave.

Hurukuro naVaItai Rusike
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG