Accessibility links

Breaking News

Dunhu reMakonde Rinovharwa neKuda kweChirwere cheCovid-19


Police In Chinhoyi Covid-19 Clampdown
Police In Chinhoyi Covid-19 Clampdown

Hurumende yavhara dunhu reMakonde muMashonaland West nekuda Kwehuwandu hwevanhu vari kuramba vachibatwa nechirwere cheCovid-19 mudunhu iri.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakazivisa nezvedanho
rehurumende iri nezuro rekuvhara dunhu reMakonde iro rinosanganisira guta
reChinhoyi, Mhangura neLions Den mugwaro ravakanyora.

VaMnangagwa vakazivisa kuti vanhu makumi matatu nevasere vakabatwa nechirwere cheCovid-19 nemusiwe Muvhuro, asi musiwe Chipiri vanhu zana negumi nevashau, 115, vakabatwa nechirwere ichi uye vamwe zana nevashanu vakabatwa nemusi w Chitatu.

VaMnangagwa vakati hurumende yakaona zvakakodzera kuvhara dunhu diki reMakonde vachiti vemabhizinisi vave kusungirwa kushanda kubva mangwanani na08.00 kusvika na3:00 masikati uye vanhu vachange vasingabvumirwe kufamba pakati penguva dza 6:00 manheru kusvika 06:00 manganani.

Motokari dzinotakura veruzhinji dzinonzi hadzifanirwe kuzarisa kuitira kuti
pave nemukaha wemita imwechete pavanhu vanenge vari mumotokari uye
dzinofanirwa kufiritwa pakupera kwerwendo rwumwe chete senzira
yekuuraya hutachiona hunokonzera chirwere cheCovid-19.

Mumwe mugari wemudunhu iri, Wilbert Mhatsi, vati vanofara kuti dunhu ravo ravharwa kuitira kuti chirwere chisapararire.

Asi mumwe mudzimai anotengesa hembe ada kuzivikanwa saMuzvare Diana ati kunyange hazvo danho iri rakanaka, vanhu vanoda kudya uye
vamwe vabereki vanoda kubhadhara mari dzemazamanishoni idzo dziri
kudiwa kupera kwesvondo rinouya.

Nyanzvi munyaya dzezvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano
muhurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vati zviri kuita
hurumende zvakanaka kuvhara dunhu rinenge raita dambudziko kwete
kuvhara nyika yose.

Svondo rapera, hurumende yakavhara dunhu reKariba neKaroi ichiti Karoi
iyo ine makambani gumi ari kutenga fodya, yave kuwanda vanhu avo vari
kubva kunzvimbo dziri kure uye Kariba sezvo iri pamuganhu neZambia uko kunonzi chirwere cheCovid-19 chanetsa zvikuru.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG