Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau weNew York Times, Jeffrey Moyo, Anoburitswa Mujeri


Jeffrey Moyo left
Jeffrey Moyo left

Mutori wenhau anoshandira New York Times, Jeffrey Moyo, abuda mujere nhasi mangwanani mushure mekunge dare reHigh Court rabvuma kuti abhadhare mari yechibatiso.

Moyo abuda mujere reBulawayo Prison nhasi mangwanani mushure mekunge abhadhara mari yechibatiso inoita zviuru zvishanu zvemadhora emaRTGS.

Moyo aifanirwa kunge akabuda nezuro zvichitevera mutongo wakaturwa neMuvhuro, asi izvi zvakakundikana mushure mekunge vakuru vakuru vepajere vati mapepa ake ekuti abude aive asina kunyatsonyorwa zvakanaka.

Rimwe remagweta ake, Muzvare Amanda Ndlovu, vati izvi zvazogadziriswa
nekukasika Moyo akakwanisa kubuda vachitiwo akapa gwaro rake
rekufambisa kudare, uye anofanirwa kuramba achigara kumba kwake
kuHarare achimhang’ara kumapurisa kamwe pamwedzi .

Moyo, uyo ange akamirirwa nemudzimai wake nemwanakomana wake, audza Studio7 kuti akashushikana zvikuru nenyaya yekuti aitadza kuona
mudzimai wake pamwe nehama dzake ari mujere sezvo vakuru vakuru
vekujere vaiti izvi hazvikwanisike nekuda kwechirwere
cheCovid-19.

Moyo ati mamiriro akaita mumajere haana kunaka uye haakodzeri kuti
vanhu vange vachigara imomo.

Kunyange hazvo ati haakwanise kutaura zvakawanda nezvemhosva yaari
kupomerwa, Moyo ati vatapi venhau vanofanirwa kukwanisa kuita basa ravo pasina kuvhiringidzwa kana vachinge vatevedzera zvinodiwa pamutemo.

Taedza kunzwa kubva kumunyori webazi rezvekufambiswa kwemashoko, VaNick Mangwana, asi nharembozha yavo yange isingabatike.

Nhengo yeboard reMedia Institute of Southern Africa uye ari mutapi
wenhau anoshanda akazvimirira, Pamenus Tuso, ati sangano rake rinofara
kuti Moyo apuwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Sangano reCommittee to Protect Journalists, iro rine muzinda uri muNew York, rinoti rafara nekubudiswa kwaMoyo mujeri kunyange hazvo izvi zvatoranguva yakareba.

Moyo akasungwa kuHarare musi wa26 achipomerwa mhosva yekutyora zvikamu zvemutemo weImmigration Act achinzi akabatsira vatapi venhau vavirivekuAmerica, Christina Goldbaum, na Joao Silva, kuti vapinde munyika uye vashande sevatapi venhau zvisiri pamutemo.

Vaviri ava vakabudiswa munyika nechisimba mushure memazuva matatu
vachinzi vaive vapinda zvisiri pamutemo.

Moyo anonzi akapara mhosva iyi naVaThabang Manhika anove mushandi
weZimbabwe Media Commission uyo achiri muhusungwa.

Hatina kukwanisa kutaura negweta riri kumiririra VaManhika, VaLison Ncube, asi vanoziva zviri kuitika vati vakaisawo chikumbiro kudare reHigh Court chekuti vabhadhare mari yechibatiso.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:16 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG