Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Mashandiro eZUPCO Ari Kuisa Vanhu Munjodzi yeCovid-19


Mabhazi eZupco
Mabhazi eZupco

Munyori mukuru wesangano revashandi, reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaJaphet Moyo, vanoti nyaya yekukundikana kuita basa kwekambani yeZUPCO kuchapa kuti chirwere cheCovid-19 chipararire zvakanyanya sezvo vanhu vari kugara vakaunga vakamirira kutakurwa.

Bazi rezvehutano rinoti vanhu havafanire kuungana vakawanda kuitira kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 chotanga kupararira zvekare zvine mutsindo.Vanhu vakawandisa vanotarisirwa kuungana vanenge vari makumi matatu asi pari parufu chete.

Hurumende yakabvisa makombi ose mumugwagwa ichiti vanoda kushanda vanofanira kushanda pasi pekambani yeZUPCO asi vakawanda vacho vanoti kambani iyi haibhadhare.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatiwo vemakombi vainge vokonzera njodzi mumigwagwa nekudaro vaifanira kubviswa.

Mukuru wekambani yeZUPCO, Engineer Evaristo Madangwa, vakaudza bepanhau reSunday Mail kuti vanoda mabhazi zviuru zviviri kuti vashande zvakanaka asi ikozvino vane mazana maviri nemakumi matanhatu nemaviri chete.Vanotiwo mwedzi uno vari kutarisira mamwe mabhazi kubva kuBelarus.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG