Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Vanocherechedza Zuva reVana muAfrica, Day of The African Child


Day of the African Child 2016
Day of the African Child 2016

Zimbabwe yabatana nenyika dzemuAfrica mukucherechedza zuva reDay of the African Child ichikurudzirwa nevanorwira kodzero dzevana kuti iremekedzewo zvibvumirano zveAgenda 2040, izvo zvinosanganisira hupenyu hwakanaka hwevana pamwe nehutano hwavo hwakanaka.

Vachitaura neStudio7 vari muHarare, mukuru wesangano rakazvimiriria reYouth Forum Zimbabwe, VaAshton Bumbira, vakurudzira hurumende kuti iparure zvirongwa zvekusimudzira vana vechidiki, zvikuru vari kumaruwa.

Mumwe murwiri wekodzero dzevana, Amai Chinga Govhati, vati zuva ranhasi rakakosha zvikuru sezvo richipa Zimbabwe nedzimwe nyika dzemuAfrica mukana wekuzvibvunza kuti zvii zvaitwa mukusimudzira kodzero dzevana.

Amai Govhati vati kunyange hazvo Zimbabwe yakasaina chibvumirano cheAgenda 2040 chine zvisungo gumi zvinosimudzira hupenyu hwakanaka hwevana, vati Zimbabwe iri mumashure mukuzadzikisa zvibvumirano izvi.

Mumwe wevechidiki, VaPride Mukono, vatiwo zuva ranhasi rinoyeuchidza vechidiki kuti vave nehushingi hwekurwira kodzero dzavo.

Vati izvi ndizvo chete zvinounza budiriro yevechidiki.

Asi mukuru we Zimbabwe National Council for the Welfare of Children, Reverend Taylor Nyanhete, vati Zimbabwe iri kuedza mukuzadzisa zvibvumirano zveAgenda 2040 vakapa muenzaniso wemutemo wedzidzo wakagadziriswa uyo wava kubvumirawo vanasikana vanoita nhumbu vari muzvikoro kuramba vachidzidza.

VaNyanhete vatiwo zvirongwa zvekuwanisa vanasikana zvekushandisa munguva yekutevera zvasimudzirawo hutano hwevanasikana apo vanenge vachiita zvidzidzo zvavo muzvikoro.

VaSungano Chisina, avo vanoshanda nesangano reZimbabwe Youth Council, vatiwo Zimbabwe iri kuedza kusimudzira vana sezviri mubumbiro remitemo yenyika.

Studio7 haina kukwanisa kuziva kana panga paine hurongwa hwehurumende hwekucherechedza zuva sezvo sezvo takundikana kubata munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangagwa.

Zuva reDay of the African Child rinocherechedzwa musi wa16 Chikumi gore rega rega kubvira muna 1991.

Zuva iri rakavambwa senzira yekukurangarira vana vakaurayiwa kuSouth Africa muSoweto vachirwira kodzero yedzidzo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:43 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG