Accessibility links

Breaking News

Vakawanda Votadza Kutevedzera Mitemo Yakaturwa naVaChiwenga yeKudzivirira Kupararira kweCovid-19


Nzvimbo dzakawanda munyika dzakapinda muzuva repiri neChipiri dzichitevera mitemo yakadzikwa nehurumende kuyedza kumisa kupararira kwechirwere cheCovid-19.

Asi kune mamwe madhorobha akaita seKwekwe, Kariba neKaroi, mitemo iriko yakati omei sezvo kuri kunzi kune vanhu vakawandisa vabatwa nechirwere ichi.

Mitemo mitsva inobata mamwe matunhu ose munyika yakaziviswa kuvatori venhau nemusi weMugovera kuti vave kusimbaradza mitemo yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi.

Mitemo yehurumende yekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid-19 cheCovid-19 iri kutambirwa zvakasiyana munyika.

Kunzvimbo dzakaita seKaroi mutauriri wemapurisa Chief Superintendent Helena Mahonde vaudza bepanhau reNew Zimbabwe.com kuti vamwe vagari vemunzvimbo iyi vave kunonwira doro kudzimba vakawanda mumashabhini. Superintendent Mahonde vanoti vanhu vakawanda vakasungwa nekutyora mitemo yeCovid-19.

Mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyath vaudzawo Studio 7 kuti zvinonetsa parizvino kuti vanyatsoziva kuti vanhu vari kutevedzera here kana kuti kwete mitemo mitsva yakaturwa nehurumende vachiti zvinotoda svondo rose. Asi mapurisa akazivisa neMuvhuro kuti achange achifamba famba kuona kuti vanhu havasi kuungana vakawanda.

Ongororo yakaitwa neStudio 7 neMuvhuro neChipiri inoratidzawo kuti vanhu vachiri kuramba vakaungana zvikuru panzvimbo dzinokwirirwa mabhazi eZUPCO sezvo achiri mashoma. Mutungamiri wesangano rePassengers Association of Zimbabwe VaTafadzwa Goliati avo vari kuKwekwe vatendawo muhurukuro neStudio 7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka. Vati vemabhazi havasi kutevedzera kurudziro yekuti vatakure vanhu vashoma.

KuKariba zvinhu hazvinawo kumira zvakanaka sezvo kirinika yeNyamhunga yakambovharwa kuti ifiritwe mushonga mushure mekunge mumwe anorapa vanhu abatwa nechirwere ichi. Mutauriri wesangano reKariba Urban Residents Association VaSamson Coffee vaudzawo Studio 7 kuti kutevedzera mitemo yeCovid-19 kuri kunetsa mudhorobha iri.

KuMasvingo hurumende yakazivisa kuti yange isisatendere vanhu kupinda kana kubuda paMorgenster Teachers College pane vari kudzidzira hurairidzi makumi matanhatu nevatatu vakabatwa nechirwere cheCovid-19.

Vamwe vanorarama nekutengesa mumigwagwa vakaita saAmai Amber Zhou vemuHarare vaudza Studio 7 kuti vari kutya kuti vachamanikidzwa kugara kumba kana vanhu vakawanda vakaramba vachibatwa nechirwere ichi.

Vachitaurawo neStudio 7 mumwe mugari wemuHarare, VaDoubt Phiri vachemachema nekudzokawo zvakanyanya kwechirwere cheCovid-19 vachiti zvichakonzera kuti vanhu vatadze zvakare kushandira mhuri dzavo.

Mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, Doctor Tinashe Manzungu vatiwo chirwere cheCovid -19 chiri kuramba chichiomesera vemabhizimisi zvakanyanya.

Asiwo vatenda kuti zvakatarwa negurukota rezvehutano vhiki rapera hazvina kunyanyoomera vemabhizimusi sezvo pachine mukana wekuti mabhizimusi anoramba akavhurwa.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira madhokotera anoshanda akazvimiririra, reMedical and Dental Private Practitioners of Zimbabwe Association Dr Johannes Marisa vanoti matanho ari kutorwa nehurumende ekurambidza zvinhu zvakadai semagungano akanaka zvikuru vachiti huwandu hwevanhu vari kufa huri kuramba huchiwedzera.

VaMarisa vati zvakakosha kuti hurumende idzivirire kupararira kwechirwere ichi vakati matanho akatorwa aya anodzivirira ndufu nehurwere hwakanyanya.

Pamusoro pekurambidza magungano ese kusara kwerufu panofanira kunge paine vanhu makumi matatu, VaChiwenga vakatiwo hurumende ichawedzera kuongororwa kwehutachiona hweCovid-19 kuteverera vavanenge vasangana navo. Vanotengesa zvinhu pamisika yefodya vakanzi vambomira kuita izv.

Vose vanopinda nepamiganhu yenyika vachange vachiongororwa zvikuru vanenge vachibva kunyika dzorura chirwere ichi dzakaita seIndia neBrazil.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG