Accessibility links

Breaking News

Morgenster Teachers College Yovharwa Kuruzhinji neKuda kweCovid-19


Hurumende nemusi weSvondo yakazivisa kuti Mogenster Mission yambovharwa kuvashanyi senzira yekuyedza kudzivirira kupararira kwechirwere Covid-19.

Izvi zvinotevera kubatwa nechirwere ichi kwevamwe vari kudzidzira hurairidzi makumi matanhatu nevatatu pachikoro cheMorgenster Teachers College.

Vadzidzi vepaMogenster Teacher’s College ava vanonzi vakabatira chirwere ichi kubva kune mudzidzi mumwe wavo anonzi akabva kudhorobha reKwekwe iro rakavharwa raputika mhando yedenda reCovid-19
yakatangira kuIndia iri kuuraya vanhu vakawanda uye ichitapuriranwa zviri nyore.

Mutauriri wekomiti yeCovid-Taskforce muMasvingo, VaRodgers Iirimayi, vakati Mogenster Mission yambovharwa uye hapana vanhu vachatenderwa kubuda kana kupinda kusvika denda iri radzikira.

VaIrimayi vakatiwo vachaedza kuona kuti mitemo mitsva yekudzivirira kupararira kwechirwere ichi yakanzi itevedzerwe nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vanove gurukota rezvehutano yatevedzerwa.

Vakaenderera mberi vachiti vashandi vebazi rezvehutano pamwe nana chiremba vepachipatara cheMogenster Mission, vari mubishi kuita ongororo yevamwe vadzidzi nevashandi kuti vaone kuti vakatapuririwawo here chirwere ichi.

Mogenster Mission, iri pedyo nedhorobha reMasvingo uye ine migwagwa inofamba nebhazi nemakombi inopfuura nevanhu vachienda kumisha iripedyo ne Growth Point yeNemamwa.

Vamwe vagari vemuNemamwa , vakaita saVaTendayi Charumbira, vanoti vashandi nevadzidzi vanouya kuzotenga pazvitoro zvavo nekudaro vave kutyira kuti vanogona kunge vakatapurirwa chirwere ichi.

Izvi zvinouyawo apo vamwe vadzidzi vepachikoro cheBondolfi Teachers College, vanosvika zana nemakumi maviri vakabatwa nechirwere ichi mwedzi wapera.

Nyaya Ina Godfrey Mtimba
please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:39 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG