Accessibility links

Breaking News

Zvimwe Zvizvarwa zveSouth Africa Zvotysidzira Vabvakure Kuti Vabude muNyika Iyi Mukati MemaZuva Maviri


Zvimwe zvikwata zvezvizvarwa zvemuSouth Africa zviri kutyisidzira vabvakure vose vasina magwaro ekugara munyika iyi kuti vabude muSouth Africa musi wa 16 Chikumi (June) usati wasvika.

Vanoti ivabvakure ava kasasaita izvi vanobviswa nechisimba. Zuva ra16 Chikumi izuva rinokosheswa muSouth Africa sezvo ndipo panorangarirwa vana vechikoro vakafa muSoweto mugore ra 1976 vachiratidza kusafarira hurumende yehudzvanyiriri.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu, reHuman Rights Watch, rinoti rakumbira masangano eSADC ne African Union, pamwe chete nehurumende yeSouth Africa kuti vaedze kuita zvese zvavanogonakumisa zviri kurongwa izvi.

Sangano iri ratiwo pane mamwe masangano ari kupikisa vari kuda kudzinga vabva kure ava zvekuti panogona kuita mhirizhonga.

Mukuru weHuman Rights Watch kuchamhembe kwe Africa, VaDewa Mavhinga, vaudza Studio 7 kuti vari kushushikana kuti hurumende yeSouth Africa haina zvayati yataura pamusoro penyaya iyi.

Hatina kukwanisa kubata vakuru mubazi rinoona nezvemukati menyika kuSouth Africa kuti tinzwe divi ravo. Asi VaMavhinga vati dzimwe nyika muAfrica, dzinofanirwavo kutaura pachena neSouth Africa dzichishora zvinhu zvakadai.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG