Accessibility links

Breaking News

RBZ Yofumura Makambani Anonzi Ari Kuita Huori, Asi Mitengo Inoramba Ichikwira


Gavhuna weRBZ Doctor John Panonetsa Mangudya,
Gavhuna weRBZ Doctor John Panonetsa Mangudya,

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe nemusi weChipiri rakaburitsa mazita emakambani arinoti akatenga mari pamusika weForeign Currency Exchange akaishandisa zvisizvo zvarinoti zviri kupa kuti mitengo yezvinhu irambe ichikwira.

Mumashoko kuvatori venhau, gavhuna weRBZ Doctor John Mangudya vati makambani aya anoti, National Foods(Pvt) Ltd, Georgia Petroleum (Pvt) Ltd Company, Tettola Investments (Pvt) Lt, Africa Steel (Pvt) Ltd, Westvillle Investments (Pvt) Ltd, Flicknik Enterprises (Pvt) Ltd, Glenulas Trading, Duo Valley Commodity Brokers Faircclot Investments, Natural Stone Export, Nuvet Trading, Phirebrook Investments, Classic Energy, Clorex Energy, Explochem, Mutare Mart & Exchange, Souzrce Fuels neKimya Investments

Studio 7 haina kukwanisa kunzwa kubva kumakambani aya kuti tinzwe divi ravo.

Asi hurumende inoti nyaya yekuti makambani aya aisashandisa mari zvakanaka ndcho chimwe chikonzero chakapa kuti idzike mutemo wechimbi chimbi weStatutory Instrument 127 uyo uri kunzi nevemabhizimisi wapa kuti mitengo yezvinhu iwedzerwe uye zvitange kushaikwa.

Sangano reConsumer Council of Zmbabwe(CCZ) rinoti mari inodiwa nemhuri ine vanhu vatanhatu kuti irarame kwemwedzi yakakwira nezvikamu zvipfumbamwe kubva muzana kana kuti 9% mwedzi wapfuura.

Mhuri ine vanhu vatanhatu yave kuda mari inopfuura zviuru makumi matatu nezvipfumbamwe kana kuti 39 000 pamwedzi kubva paZviuru makumi matatu nezvishanu 35 000 zve mari yema RTGS.

Mukuru webasa muhofi yeCCZ mudunhu reMasvingo, VaDumisani Mungusthini, vanoti kudhura kwezvinhu mazuva adarika kwakakonzerwa nekudzikwa kwemutemo weSI 127.

Vamwe vemabhizimisi vanoti vanowana mari pamusika wemukoto nekuti iri kuRBZ haikwani zvinozopa kuti vadhurise zvinhu.

Mumwe muzvinabhizimusi, mudhorobha reMasvingo, VaTarirai Machona, vane zvitoro zvechikafu nembatya vanoti mutemo wakaiswa nehurumende wakatopa kuti vawedzere mitengo.


Mutungamiriri weZimbabwe Congress of Trade Unions(ZCTU), VaPeter Mutasa, vati mutemo weSI 127 wave kuomesera vashandi.

Izvi zvatsigirwawo nemumwe mutengi, VaAmon Banda, vanoti mutemo uyu wave kukonzera kuti vemabhizimusi varambe kutengesa nemari yekunze vachida mari yemaRTGS iyo inemutengo yakakwira kupfuura mutengo wekuchinja mari pamusika we Auction yemumabanka.

Asi VaMangudya negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube avo tisina kukwanisa kubata sezvo nharembozha dzavo dzange dzisiri kudairwa vanoti vamwe vemabhizimisi vanoita zvehundyire vachikwidza mitengo zvisina kufanira uye vacharangwa.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG