Accessibility links

Breaking News

Mutemo weCovid-19 Unorambidza Kufambafamba kweVanhu Wonzi Unokanganisa Makambani, Vashandi neVanhuwo Zvavo


Vemakambani vanoti mitemo yekudzivirira Covid-19 iyi inokanganisa mafambiro emakambani avo.
Vemakambani vanoti mitemo yekudzivirira Covid-19 iyi inokanganisa mafambiro emakambani avo.

Vakuru vakati “panorwa nzou uswa ndihwo hunoparara.” Izvi ndizvo zvinonzi zvinoitika nguva zhinji kana hurumende ichinge yadzika mimwe mitemo inonzi inopedzisira yakanganisa mashandiro emamwe mapoka.

Izvi ndizvo zvinonzi nevashandi pamwe nevemabhizimusi zviri kuitika mushure mekusimbiswa kwemutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu senzira yekudzivirira kupararira kwechiwere cheCovid-19, uyo wakatanga kushanda neMuvhuro.

Munyori mukuru wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaJaphet Moyo, vanoti mutemo uyu hachisi chinhu chitsva kwavari uye vave neruzivo kuti unorwadzisa vashandi zvakanyanya, sezvo vazhinji vavo vachirasikirwa neraramo dzavo.

"Nenyaya yema lockdowns taona matambudziko anouya nema lockdowns nenyaya yekuti hapana rubatsiro rwunoonekwa rwunozopiwa vanhu panguva yakaoma yema lockdown," vanodaro VaMoyo.

Mutemo uyu haukanganisi vashandi chete, asi kuti kanawo vashandirwi, sezviri kutsanangurwa nemutungamiri wesangano revashandirwi, reEmployers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, Doctor Israel Murefu.

"Ma measures awa ma measures anoafekita bhizinesi nekuti mabhizinesi kana asingaoparete at full capacity yavanoda ivo zvinoita kuti production yavo idzikire, zvinozoita kuti production yavo idzikire."

Doctor Murefu vanoti chimwe chinoitwa nemutemo wekudzivirira kupararira kweCovid-19 uyu kupatsanura mabhizimusi uchiaisa mumapoka maviri, mamwe onzi anobatsira zvakanyanya mamwe onzi haana kukosha, kunyange vari kunzwisisa zvavo kuti sei matanho aya ari kutorwa.

"Hakuna bhizinesi rinonzi riri non-essential. Ese ari essential. Kana riri non-essential zvinoreva kuti harina zvarinobatsira'"

Izvi zvinotsinhirwawo neimwe nyanzvi mune zveupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, avo vanoti mitemo yose, ingava inorambidza zvishoma kana zvachose kuvhurwa kwemabhizimusi, inotokanganisa mashandiro emabhizimusi.

Asi munyori mukuru werimwe remasangano anomirira vanorarama nekutengesa, reSurvival Vendors’ Union of Zimbabwe, VaEmmanuel Kwamira, vanoti vanotambira nemufaro mutemo uyu, sezvo uri kuvapawo kamukana kekutengesa kana zvichienzaniswa nemimwe mitemo yakatombovharisa misika nemabhizimusi nyika yose.

Asi imwe nyanzvi, vachishanda vakazvimirira, VaMasimba Kuchera, vanoti kunyange hazvo mutemo uyu usina kubva wavharisa nyika sezvakamboitika pakutanga, unotokanganisa raramo dzevanhu vakawanda sezvo ruzhinji rwevanhu munyika rwave kuzvishandira rwega.

Saka zvingakanganisa zvakadii kukura kwehupfumi hwenyika, uhwo hunonzi negurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, hwave kusimukira? VaKuchera vanoti, "Zvinokanganisa zvikuru nekuti kana makazvitarisisa muchaona kuti vanhu vanga vave kudzoka kumabasa. Eeh, industry yanga yaita sekuti simukeyi."

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rezvemaindaisitiri, Amai Sekai nzenza, kuti tinzwewo maonero avo pane zviri kutaurwa nevashani pamwe nevashandirwi pamusoro pemutemo uyu.

Hurumende inonzi yakatora matanho aya mushure mekuona kukwira kuri kuita huwandu hwevanhu vari kufa pamwe nekubatwa neCovid-19, asi nenyaya yekuti hupfumi hwenyika hahuna kusimba, vakawanda vanonzi vanogona kutambura kuti vazviriritire nekuda kwenguva dzavanobvumidzwa kunge vachiri kumabasa, pangave pakambani, kana kwavanozviitira emaoko.

Nyaya ina Jonga Kandemiiri
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG