Accessibility links

Breaking News

Matare eDzimhosva Ovhiringwa neChirwere cheCovid-19


Judicial Service Commission June 24
Judicial Service Commission June 24

Judicial Service Commission (JSC) yavhara matare mumadhorobha matanhatu mushure mekunge vashandi vemumatare aya vabatwa nechirwere che Covid-19.

JSC yavhara matare amajisitireti, kuBindura, Chinhoyi, Kariba, Karoi, Mt Darwin neMutare uko kwavharwawo dare repamusoro.

Munyori weJSC, VaWalter Chikwanha, vati vatora danho iri kuti matare aya ambofiritwa nemishonga inodzvirira kupararira kweCovid-19, kuvheneka vashandi pamwe nekuita ongororo yekutsvaga chakapa kuti denda iri ripinde mumatare aya.

Vati vanoda kukwidza nyaya dzavo kumatere, magweta nevamwe vanoda rubatsiro kumatare aya vanofanira kubata vatongi vakuru munzvimbo dzavo, Registrar Additional Sheriff kana Assistant Master uye mafoni evanhu ava achaiswa pamatare avharwa aya.

VaChikwanha havana kutaura kuti vanhu vangani vakabatwa neCovid 19 kumatare avharwa aya asi vati vari kushanda nebazi rezvehutano kugadzirisa kuti avhurwe uye veruzhinji vachaziviswa kuti matare aya achavhurwa rini.

VaChikwanha vati JSC iri kutora matanho ese anokurudzirwa neWorld Health Organisation nebazi rezvehutano kudzvirira kupararira kweCovid-19 kumatare ose ari kushanda.

Vatiwo vave kusimbaradza kupfekwa kwemamasiki, kugeza maoko nekushandisa maSanitizer kuti munhu apinde mumatare.

Kunyange hazvo hurumende yakati mapazi ayo anofanira kuderedza huwandu hwevashandi vanoenda kubasa kusvika pazvikamu makumi mana kubva muzana, VaChikwanha vati havagoni kuita izvi nekuti matare anoita basa rakakosha.

Gweta rinoshanda neZimbabwe Lawyers for Human Rights kwaMutare, Amai Peggy Tavagadza, vaudza Studio 7 kuti hongu danho ratorwa neJSC rakanaka chose asi rinofanirawo kuitirwa kuvasungwa, mapurisa navose vanoshandisa matare.

Vatiwo JSC ngaifambirane nenguva kuti vanhu vatongwe pachishandisa muchina yechizvino zvino vasingasangane nevamwe mumatare.

Mutungamiri wesangano reMedical and Dental Priivate Practitioners of Zimbabwe Association, Dr Johannes Marrisa, vati hurumende inofanira kuvheneka vanhu vakawanda kuti izive huwandu hwevanhu vane denda iri.

Vaive gurukota rehutano panguva yehurumende yemubatanidzwa, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio 7 kuti kuwanda kuri kuita Covid-19 kunokonzerwa nekuti matanho ekudzivirira denda iri haasi kutevedzwa vakatiwo hurumende inofanira kuwanisa vanhu zvekufambisa vachiti vanhu vari kutapuriranawo denda iri vari mimitsetse yemabhazi.

Nezuro vanhu mazana manomwe nemakumi matanhatu nevatanhatu vakabatwa neCovid -19 izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa neCovid-19 munyika yose pazviuru makumi mana nezvitauru nemazana mana nemakumi masere (43, 480 cases).

Munhu mumwe chete akafa neCovid-19 nezuro,izvo zvaskavitsa huwandu hwevanhu vafa neCovid-19 munyika yosepachiuru nemazana matanhatu nemakumi mapfumbabwe nevaviri, 1 692.

Kusvika nezuro vanhu vainge vabaiwa nhomba yekutanga vave zviuru mazana manomwe nemagumi zvishanu nemakumi mashanu nevatanhatu, 715 056 uye vabaiwa nhomba yepiri vave zviuru mazana mana nemakumi mashanu nechimwe nemazana manomwe nemakumi mapfumbamwe nevatatu, 451 793.

Huwandu uhu hunotarisirwa kukwira nhasi manheru apo hurumende ichaburitsa zvayawana nhasi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG