Accessibility links

Breaking News

Chirwere cheCovid-19 Choramba Chichibata neKuuraya Vanhu Munyika


Victoria Falls Covid-19 Vaccination Woman
Victoria Falls Covid-19 Vaccination Woman

Vanhu gumi nevaviri vakafa neCovid-19 nemusi weChishanu uye mazana mapfumbamwe negumi nemumwe chete vakabatatwa nechirwere icho chave kupararira zvakanyanya munyika.

Hurumende yakazivisa neChishanu manheru kuti vanhu vabatwa nechirwere cheCovid-19 vakanga vava zviuru makumi mana nezvishanu nemazana maviri negumi nevanomwe, 45 217, uye vafa nechirwere ichi vakanga vasvika pachiuru chimwe chete nemazana manomwe nemakumi maviri nemumwe chete, 1 721.

Kusvika nezuro, vanhu vabayiwa nhomba yeCovid-19 yekutanga munyika yose vange vasvika pazviuru mazana manomwe nemakumi matatu nezvinomwe nemazana mana nemakumi masere nevatatu, 737 483, ukuwo zviuru mazana mana nemakumi masere nezvina nemazana mana nemakumi matatu nevana, kana kuti 484 434 vainge vabaiwa nhomba yepiri.

Huwandu uhu hunitarisirwa kukwira manheru apo hurumende ichazivisa zvayawana.

Covid 19 iri kupararira zvinotyisa munyika uye sangano reCouncil of Students Teachers kana COST, razivisa kuti vadzidzi gumi vepaMadziwa Teachers College vakabatwa neCovid-19 nezuro uye huhwandu hwevadzidzi ava hunotarisirwa kukwira nekuvhenekwa kuri kuitwa vadzidzi ava.

Mukuru weCOST, VaWalter Muzamani, vaudza Studio7 kuti zvikoro zvizhinji hazvisi kutora matanho ekudzivirira vadzidzi izvo zviri kuvaisa panjodzi.

Nepamusana pedambudzoiko iri, hurumende yakazivisa nezuro kuti yaisa parutivi mamiriyoni makumi manomwe emadhora ekuAmerica ekutenga nhomba yekudzivirira Covid -19.

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakati izvi zvichabatsira kuti nyika ibaye nhomba vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kupararira kweCovid -19 sekuronga kwayakaita.

Zimbabwe inotarisira kugamuchira nhomba zviuru mazana mashanu kubva kuChina nhasi pamusoro pedzimwe nhomba miriyoni nemazana maviriri ayakatotenga kare kubva kuChina.

Zvichakadai, chipatara che veParirenyatwa Group of Hospitals, chinoti vanorwara nezvimwe zvirwere vanofanira kuendeswa kumba kuti mibhedha ipihwe vane Covid-19.

Muchiziviso kuvashandi nemachiremba, chipatara ichi chinoti kutanga nemusi weMuvhuro unouya, chinenge chisisatambire varwere vese kusiya kwevaya vanorwara zvakanyanyisa kana kuti Emergency Casesnevane Covid-19.

Mutauriri mubazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vaudza Studio 7 kuti zvipatara zvose munyika zvakagadzirira nekupararira kuri kuita Covid-19.

Vaive gurukota rezvehutano muhurumende yemubatanidzwa uye vari munyori hwezvehutano mubato guru rinopiksa munyika reMDC Alliance, Dr Henry Madzorera, vaudza Studio7 kuti zviri kuitwa nezvipatara zvakanaka uye zvinokurudzirwa.

Vati zvaitwa neParirenyatwa ndizvo zvinofanira kuitwa nezvipatara zvese munyika.

Dr Madzorera vati apo Third Wave yapinda munyika hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzezvekufambisa nezvikoro.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19 munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG