Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yokurudzirwa neCZR Kusimbisa Mutemo weLockdown kweMazuva Makumi Matatu


VaDenford Mutashu, mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Retailers.

Sangano rinomirira vezvitoro, reConfederation of Zimbabwe Retailers, riri kukurudzira hurumende kuti isimbise mutemo unorambidza kufambafamba kwevanhu, kana kuti lockdown, kuburikidza nekudzika mutemo unorambidza vanhu kufambafamba kwemazuva makumi matatu.

Mutungamiri wesangano iri, VaDenford Mutashu, vanoti sangano ravo ratora danho iri mushure mekuona kupararira nekukwira kuri kuramba kuchiita denda reCovid-19 munyika, izvo vanoti zviri kuisa hupenyu hwevanhu vakawanda munjodzi.

Confederation of Zimbabwe Retailers inoti iri kudawo zvakare kuti nguva dzinorambidzwa vanhu kufamba usiku kana kuti curfew, dzitange nenguva dzesere manheru kusvika nenguva dzenhantau mangwanani ezuva rinotevera, kana kuti 8pm to 6 am, uye mabhizimusi kuti avhure nenguva dzesere mangwanani achivhara nenguva dzeina masikati, kana kuti 8am to 4pm.

Zvimwe zviri kukurudzirwa nesangano iri ndezvekuti vemutemo vasimbise kuona kuti magungano ari kutevedzera mutemo here, vemabhazi vatakura zvikamu makumi mashanu kubva muzana zvevanhu vavanobvumidzwa kutakura, uyewo kuti vanhu vemashabhini vavhariswe.

Sangano iri rinotiwo hurumende inofanirwa kuti itarisise zvakare mari dziri kuripiswa vanenge vatyora mutemo we lockdown, kuona kuti dzakwidzwa senzira yekuti vanhu vasatyore mutemo pamadiro vachiti vanobhadhara faindi.

VaMutashu vanoti kunyange hazvo matanho avari kukurudzira aya achikanganisa magariro evanhu nemabhizimusi, chikuru chavari kuita kutsvaga nzira dzekudzivirira kupararira kwedenda iri ketatu, kana kuti 3rd wave.

Vatiwo vakamboedza kukurudzira nhengo dzavo pamwe nevamwe vezvitoro kuti vatevedzere mutemounodzivirira kupararira kwedenda iri, asi vamwe vari kupedzisira voita chitsotsi vasingatevedzeri mutemo chaizvo.

Kubva musi wa 14 Chikumi, hurumende yakasimbisa zvishoma mutemo we lockdown, uye kumbovhara mamwe matunhu senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Nezuro vanhu mazana masere nemakumi maviri nevatanhatu vakabatwa neCovid-19 izvo zvasvitsa huwandu hwevanhu vabatwa nedenda iri pa zviuru makumi nana nezvina nemazana matatu nevatanhatu.

Vanhu gumi nevanomwe vakafa neCoid-19 nezuro izvo zvasvitsa huwandu hwevanhu vafa nedenda iri pachiuru nemazana manomwe nevapfumbamwe.

Vanhu zviuru mazana manomwe nemakumi maviri nezvishanu nemazana mashanu nemakumi masere nevaviri, 725 582, vakabaiwa nhomba yekutanga nezuro ukuwo zviuru mazana mana nemakumi matanhatu nezvinomwe nemazana manomwe nemakumi matatu nevatatu, 467 733 vainge vaibaiwa nhomba yepiri.

Hurumende ine hurongwa hwekubaya vanhu mamiriyoni gumi senzira yekudzivirira kupararira kweCovid-19.

Hurukuro naVaDenford Mutashu
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG