Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inochema Misheck Chidzamwa


Zimbabwe iri kuchema kushaya kwaMisheck Chidzambwa uyo aimbove kaputeni pamwe nemurairidzi wemaWarriors.

Chidzambwa akashaya neChina manheru ava nemakore makumi matanhatu nematanhatu ekuberekwa mushure mekurwara kwenguva refu.

Ataura akamirira vatsigiri vemaWarriors, VaChris Musekiwa, avo vanozivikanwa zvikuru nekunzi Romario vanoti nhabvu yarasikirwa zvikuru nekuenda kwaScania.

Gore rapera, Misheck akavhiyiwa nekuvhenekwa mudumbu umo maimunetsa.

Labani Kandi uyo akatamba muchikwata chimwe chete naChidzambwa, anoti arwadzikana zvikuru nekushaya kwaMisheck uyo akaperekedza kumuchato wake.

Rufu rwaChidzambwa rwauya kwapera svondo rimwe chete Zimbabwe yaradzika David Mandigora uyo akatamba pamwe chete naMisheck muDynamos nemaWarriors.

Chidzambwa aive kaputeni weDynamos apo yakatora mikombe yeligi minomwe nemimwe mikombe yemakundano akasiyana siyana seChibuku Trophy, BAT Rosebowl, Zifa Cup neRothmans Shield.

Pamazuva aya, Misheck akatamba nevatambi vakaita saMoses Chunga, nKembo Chunga, Kenneth Jere, Japhet Mparutsa, Edward Katswere, Mandigora, Gift Mpariwa, naHenri Chari nevamwe.

Misheck ndiye zvekare aive kaputeni weZimbabwe apo maWarriors akatora mukombe weEast and Central Africa Challenge Cup varova Kenya 2-0 muna 1985

Misheck aitunhidzwa kunzi Scania achifananidzwa nemhando yemarori erudzi urwu.

Muhurairidzi, Misheck akarairidza Chapungu, Blue Ribbon, Sporting Lions neTanganda iyo akatora nayo mukombe weCastle Cup muna 1993.

Muna 2000 Misheck akaita mukurumbira wekuve mutambi wekutanga kutora mukombe sakaputeni pamwe semurairidzi wemaWarriors apo akatora mukombe weCosafa Cup.

Mukuru weZimbabwe Coaches Association, VaBeki Nyoni, vanoti Misheck ndiwo magamba chaiwo emutambo wenhabvu.

Misheck muninina waSunday Chidzambwa uyo akaendesa Zimbabwe kuAfcon kaviri muna 2004 na 2019 uyezve nekutora mukombe weCosafa kanokwana kana.

Hurongwa hwekuradzikwa kwaMisheck hausati waziviswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:25 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG