Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Jeffrey Moyo, Odzoka Zvakare Mudare Musi wa30 Chikumi


Jeffrey Moyo and Lawyer2
Jeffrey Moyo and Lawyer2

Mutori wenhau anoshanda akazvimirira, Jeffrey Moyo, aisa nhasi
chikumbiro kudare ramajisitireti chekuti mhosva yaari kupomerwa
iraswe.

Gweta raMoyo, VaDoug Coltart, vaudza Studio 7 kuti vaisa chikumbiro
kudare chekuti mhosva yaari kupomerwa iraswe vachiti hapana humboo
hwakasimba hunoratidza kuti akapara mhosva iyi.

"Hapana kana chiripo chine musoro chinoratidza kuti Moyo akapara
mhosva. Akatevedzera zvinodiwa pamutemo akanyorera kuboka rakafanira
rinoita zvekunyoresa vatapi venhau. Akapiwa ma accreditation card
airatidza kuti aive iwo chaiwo anoipiwa neboka iri," vadaro VaColtart.

Mutongi wedare, Amai Marigold Ndlovu, vati VaColtart vaite zvekunyora
chikumbiro ichi vagosvitsa gwaro ravo kudare mukati mezuva ranhasi
vakatiwo vari kupa vachuchisi nguva yekuti vape mafungiro avo
pachikumbiro ichi uye vanofanirwa kuita izvi musi wa30 Chikumi usati
wapfuura.

Amai Ndlovu havana kupa zuva rekuti dare richapa mutongo waro riinhi
pachikumbiro ichi.

Asi vati Moyo, uyo anonyorera bepanhau reNew York Times, anofanirwa kudzoka kudare musi wa8 Chikunguru.

Pange pambonyorwa gwaro rekuti Moyo asungwe kana kuti warrant of
arrest sezvo atadza kusvika padare panguva yakatarwa asi izvi zvazogadziriswa.

VaColtart vati vange vakataurirana nevachuchisi kuti vachauya kudare na11 mangwanani.

"Taudzwa kuti pane warrant of arrest yange yatonyorwa yekuti Moyo
asungwe uye kuti nyaya yavo iri mudare yange yanzwikwa kuma 9
mangwanani kwete panguva yekuma11 yataive tabvumirarana nevachuchisi. Inyaya yambotivhundusa zvikuru asi tazokwanisa kuti gwaro iri rikanzurwe," vadaro VaColtart.

Moyo akasungwa kuHarare musi wa26 Chivabvu achipomerwa mhosva
yekutyora zvikamu zvemutemo weImmigration Act achinzi akabatsira
vatapi venhau vaviri vekuAmerica, Christina Goldbaum, na Joao Silva,
kuti vapinde munyika uye vashande sevatapi venhau zvisiri pamutemo.

Vaviri ava vakabudiswa munyika nechisimba mushure memazuva matatu
vachinzi vaive vapinda zvisiri pamutemo.

Moyo anonzi akapara mhosva iyi naThabang Manhika anove mushandi
weZimbabwe Media Commission uyo achiri muhusungwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG