Accessibility links

Breaking News

Bato reZanu-PF Rinoti Zvizvarwa zveZimbabwe Zviri Kunze kweNyika Zvichavhota Zviri Kunze Kana Zvirango Zvabviswa


VaPatrick Chinamasa
VaPatrick Chinamasa

Vakafanobata chigaro chemurongi wemusangano mubato reZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vakaudza vatori venhau neChina kuti bato iri harisi kuzopa mukana wekuvhota kuzvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kusvika zvirango zvakatemerwa vamwe vakuru vebato iri nemamwe makambani anodyidzana naro zvabviswa.

Vachitaura kuvatori venhau pamuzinda weZanu-PF muHarare neChina, VaChinamasa vakati kubvumira mamirioni nemamirioni ezvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika kuti zvivhote kunoisa bato ravo pakaoma sezvo vamwe vemubato iri, vanosanganisira mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachizotadza kuenda kune dzimwe nyika kunotsvaka rutsigiro rwevanhu vanovhota.

Zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kunze kwenyika zvinonzi zvinopfuura mamiriyoni mashanu, vazhinji vavo vari muhupoteri nepamusana pemamiriro akaita zvematongerwo enyika muZimbabwe.

VaChinamasa vakati kuti zvizvarwa zveZimbabwe zvibvumidzwe kuvhota, zvirango zvinofanirwa kubviswa kuti vese vebato ravo vakwanise kuenda kunyika ipi zvayo kunotsvaka rutsigiro.

Bepanhau repadandemutande, reNew Zimbabwe rinoti zvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kunze kwenyika zvinoshamiswa kuti hazvibvumidzwi kuvhota kunyange hazvo gurukota nezvemari, VaMthuli Ncube, vakati mari inobva kuzvizvarwa zveZimbabwe zvinogara kunze kwenyika inopfuura bhiriyoni remadhora eku America pagore uye mari iyi ndiyo inobatsira hurumende zvakanyanya.

Sachigaro veZanu-PF mudunhu reNorth America, VaRegis Charumbira Vusango, vanoti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinofanira kuenda kuMDC-Alliance kunoiudza kuti zvinoda kodzero dzazvo dzekuvhota, vachiti bato rinopikisa iri ndiro rakakumbira kuti zvirango izvi zvitemerwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sachigaro veMDC Alliance mudunhu reNorth America, VaTawanda Dzvokora, vanoti bato reZanu-PF rapererwa nemazano.

VaDzvokora vanoti zvirango zviri kutaurwa hazvisiri izvo zvinotuma Zanu-PF kuti ityorere vanhu kodzero dzavo.

Vanotiwo zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinosanganisirawo vanhu vanotsigira Zanu-PF vari kutorerwawo kodzero dzavo dzekuvhota.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG