Accessibility links

Breaking News

Mapurisa emuBotswana Anoti Auraya Mbavha Nhatu Dzinofungidzirwa Kuti Zvizvarwa zveZimbabwe


Botswana Police
Botswana Police

Mapurisa emuBotswana apfura ndokuuraya mbavha nhatu dzange dziine zvombo uye dzichifungidzirwa kuti zvizvarwa zveZimbabwe.

Mutauriri wemapurisa eBotswana Police Service, VaDipheko Motube, vaudza Studio7 parunhare kuti chiitiko ichi chaitika nhasi mangwanani mushure mekuridzirana zvombo pakati pemapurisa nevarume vashanu vanga vaine zvombo.

VaMotube, avo vanoti mazita evafi achakachengetedzwa, vatiwo chiitiko ichi chaitika paimwe imba mumusha weBlock 6 muguta reGaborone apo varume vashanu ava vanonzi vanga vari kuda kuba.

VaMotube vati mapurisa anobvumidzwa kushandisa chisimba kana kuuraya kana hupenyu hwavo hwava munjodzi sezvaitika nhasi.

Asi nyanzvi munyaya dzekodzero dzevanhu uye vari gweta rakazvimirira, VaMunashe Ndlovu vati basa remapurisa kusunga vangu kwete kuuraya nekuti mutongo wekuba haisi werufu.

Vati havaoni pahiita kukakavadzanapakati peZimbabwe neBotswana nokuti hapana achapa humbowo hunoratidza kuti mapurisa haana kuita basa rawo nemazvo.

Mutevedzeri vemumiriri weZimbabwe muBotswana, Amai Margret Ruparanganda, vati muzinda weZimbabwe munyika iyi hausati waudzwa nezvechiitiko ichi.

Amai Ruparanganda vati muzinda weZimbabwe uchatevedzera matanho anotorwa mukutsvaga mhinduro meshure mechiitiko chinoda kuti nyika ipindire

Mapurisa emuBotswana ari kukumbira veruzhinji kuti vavape ruzivo rwekune vanhu vaviri vakwanisa kutiza nhasi mukurwisana kwaita mapurisa nembavha idzi.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG