Accessibility links

Breaking News

Sangano reCitizens’ Initiative Zimbabwe Riri Kushanda NeKanzuru Mukuchenesa Nzvimbo


Vanhu vachitsvaira mumusha weEpworth.
Vanhu vachitsvaira mumusha weEpworth.

Sangano reCitizens’ Initiative Zimbabwe rinoti riri kurova shiri mbiri nedombo rimwechete sezvo riri kupinda mumisha inogara veruzhinji richichenesa nzvimbo pamwe nekurasa marara, panguva imwechete richidzidzisa vechidiki kuita mabasa ekuzviriritira.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano reCitizens’ Initiative Zimbabwe, VaChengetai Guta, vanoti kubva zvavatanga kuchenesa nzvimbo pamwe nekurasa marara, vakwanisa kunge vachishandawo nevechidiki vane makore anobvira pamana kusvika pagumi nemasere.

VaGuta vanoti vakwanisa kushanda nevechidiki mumisha inoti Epworth, Mbare neKuwadzana, uye vari kushanda pamwechete nekanzuru yeHarare mukuchenesa nzvimbo dzairi kuvapa kuti vashandire.

Vanoti vakatora danho iri mushure mekunzwa chikumbiro chekanzuru chekuti vanokwanisa kuibatsira vapindirewo mukutakurwa nekuraswa kwemarara uyewo kuchenesa nzvimbo dzavanozokwanisa kushandisa kuita zvinorgwa zvemabasa emaoko, vachiti vakaitawo zvakare izvi senzira yekudzivirira zvirwere zvinobva mumarara.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG