Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoputsa Dzimba kuMelfort, Mashonaland East


Demolutions Melfort Kids
Demolutions Melfort Kids

Hurumende nhasi yaenderera mberi nekupwanyira vanhu dzimba dzavo kuMelfort mudunhu reMashonaland East zvichaita kuti mhuri zhinji dzirare panze munguva ino yechando.

Mazana nemazana evanhu achange achirara panze kubva nhasi zvichienda mberi zvichitevera kupwanyirwa kwavaitirwa dzimba dzavo nehurumende kuMelfort.

Pasvika Studio 7 mumusha weDiamond Park nhasi mangwanani vagari vemunzvimbo iyi vanga vari mubishi kubvisa midziyo yavo mudzimba dzavo ukuwo zvigiredha zvichipwanya nekune rumwe rutivi.

Mumwe ,ugari wekuMelfort, VaPhibion Nzirayesango, vati havachaziva pekubata zvichitevera kupwanyirwa kwavaitwa nehurumende iyo yauya iine magiredha maviri nemapurisa anga akapakatira zvombo kuzopwanya dzimba dzavo.

Amai Ellen Munyoro vati chavarwadza ndechekuti havana kumbopihwa nguva yekugadzirira kuti vabvise zvinhu zvavo uye vati panga pasina kubudiranwa pachena kuti masitendi aya akamira sei.

Mumwe wevapwanyirwa dzimba, VaTrynos Mushoriwa, vati vakatengeserwa masitendi aya nemumwe mukuru muboka revechidiki muZanu PF, VaRodgers Pote, kunyange hazvo vaizviziva kuti masitendi aya haasi eZanu PF.

VaMushoriwa vati chiri kunyanya kuvarawadza ndechekuti gurukota rinoona nezvedzimba, VaDaniel Garwe, vakavanyepera kuti dzimba idzi hadzisi kuzoputswa vachiti vari kugadzirisa kuti dzigove pasi pekanzuru.

Hatina kukwanisa kutaura naVaGarwe kuti tinzwe divi ravo sezvo vanga vachidzima nharembozha yavo patanga tichivafonera nezvenyaya iyi.

Gurukota rinoona nezvinoitika mudunhu reMashonaland East, Amai Applonia Munzverengi, vambosvika muMelfort panga pachipunzwa dzimba idzi vakabva vachiti vari kunoita musangano naVaGarwe negurukota rezvematunhu VaJuly Moyo kuti vaone kuti votora matanho api zvamboita kuti vanga vachipunza dzimba idzi vambomira kweawa imwechete asi vakazoenderera mberi nekupwanya vaona pasina kana shoko kubva kumakurukota ehurumende.

Mumwe wevechidiki uyo apwanyirwawo imba yake yaanga achiri pakati pekuvaka uyo angoda kudaidzwa nezita rekuti Ishamael ati zvaitwa nehurumende izvi zvichaita kuti vanhu vazhinji vapwayirwa dzimba idzi vasavhotere Zanu PF musarudzo dzemuna 2023.

Mumwe mugari, VaPatson Tsomondo, vatiwo kupwanyirwa kwavaitwa dzimba dzavo kunoratidza kuti hurumende haina kuzvipira kuzadzisa chirongwa chayo cheVision 2030.

Asi mumwe mugari wemuMelfort makare uyo ane mapepa akakwana emba yake iyo isina kupwanya uyo aramba kudomwa zita rake akurudzirawo veruzhinji kuti vasangotenga masitendi kunge vari kutenga madomasi vachidyirwa mari nevanotengesa masitendi aya zvechikoronyera.

Zvichakadai, mumwe wevamwe vanga vachitengesa masitendi aya zvechikiribidi, VaRodgers Pote neumwe wavo watangoziva nezita rekuti Arineshto, vasungwa nemapurisa panga pachipwanywa dzimba idzi.

Hatina kukwanisa kutaura nemutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, kuti tinzwe kuti mhosva yavazopomerwa ndeipi tisati taenda pamhepo.

Kanzuru yeGoromonzi yakaburitsa mashoko masvondo mashoma adarika ichiti vanhu vanga vachigara kuDiamond Park vanga vachigara kunzwe kwemutemo sezvo vanhu ava vakagariswa panzvimbo iyi zvisina mvumo yekanzuru.

Kupwanywa kwaitwa kwaitwa dzimba kuMelfort nhasi kunoyawo mazuva mashomanana hurumende yapwaynyira vanhu zvivakwa zvavo kuChitungwiza nemuHarare ichiti iri kuchenesa maguta.

Pakamboitwa chirongwa chakadai muna 2005 icho chaidaidwa kuti Operation Murambatsvina, nhumwa yeUnited Nations yakuuya kuzoongorora mamiriro ezvinhu munyika, Amai Anna Kajumulo Tibaijuka, vakati chirongwa ichi chakasiya vanhu zviuru mazana manomwe, 700 000, zvisina pekugara uye zvekudya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG