Hurumende inoti vashandi vayo vasina kubaiwa nhomba dzeCovid 19 kusvika mukupera kwezuva ranhasi havachabvumidzwe kuuya kubasa uye vasina kubaiwa nhomba idzi vacharangwa zvakaomarara. Asi vashandi vehurumende vanoti zviri kutaurwa nehurumende izvi hazvina musoro.
Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, nhasi vakurudzira kuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe vachitiwo hurumende inofanira kuvandudza zvinhu zvakawanda sarudzo dzisati dzaitwa.
Hurumende inoti ichakunzura marezenesi emabhizimusi ose ari arikushandisa huremu hwemari yepamusika mutema pakubhadharisa vanhu zvinhu zvavanenge vachitenga muzvitoro.
Dare reConstitutional Court nhasi rarasa chikumbiro chakasvitswa kudare iri nevakakwikwidza vakamirira MDC Alliance musarudzo yemumiriri weChegutu West muparamende, VaGift Konjana, chekuti kusarudzwa kwakaitwa VaDexter Nduna senhengo inomirira Chegutu West muparamende kusendekwe parutivi.
Mapurisa emuHarare nhasi ambochengetedza vatori venhau vapfumbamwe avo vanga vaenda kumusangano wekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission nevemapato ezvematongerwo enyika.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti hurumende yavo yakazvipira kugadzirisa nyaya dzemari yemihoro yevashandi pamwe nezvose zvinodiwa mukuita basa ravo asi mamwe masangano anomirira vashandi anoti mashoko avo anofanira kuonekwa nebasa kwete kutaura chete.
Sangano reChitungwiza Community Development Network rinoti riri kukurudzira vechidiki vanyoresa kuvhota musarudzo dzemuna 2023.
Vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zana nemakumi matatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.
Asi mutauriri webazi redzidzo, VaTaungana Ndoro, vati mashoko ari kutaurwa nemasangano anomirira vadzidzisi aya haana musoro vachiti mashoko emasangano aya ndeekuedza kudzosera kumashure basa riri kuitwa nebazi ravo rekusimudzira dzidzo munyika panguva iyo nyika yakatarisana nedenda reCovid 19.
Bato reMDC Alliance nhasi rachecherechedza makore makumi maviri nemaviri kubva pakaumbwa bato reMDC muna 1999, ukuwo MDC-T ichiti ichacherechedza zuva iri mangwana.
Mamwe masangano evarairidzi ari kukurudzira hurumende kuti ishevedzere musangano wechimbichimbi wekuzeya kukwira kuri kuita huwandu hwevana vari kubatwa nechirwere cheCovid 19 muzvikoro pamwe nenyaya dzemari yemihoro.
Zvikoro zvakavhurwa neMuvhuro vamwe vabereki vachiti vari kutadza kubhadhara mari dzechikoro zvimwe zvikoro zvichipfudzira mberi zuva rekuvhurwa kwechikoro.
Ndege yanga yakatakura vanhu vanomwe vakadzingwa kuBritainyamhara panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport nhasi mangwanani.
Asi nhengo yeZanu PF uye vari mutungamiri weZimbabwe National Liberation War Veterans Association, VaChris Mutsvangwa, vati sangano ravo rinotevedzera zviri mubumbiro remitemo yenyika.
Mhuri yemutori wenhau weStudio7, Kudzanai Musengi, iri kuchema zvichetevera kufa kwemudzimai wake pamwe nevabereki vemudzimai wake avo vakatorwa nedenda neCovid 19.
Mumiriri weTsholotsho South muparamende, VaZenzo Sibanda, vashaya nhasi nechirwere cheCovid-19 zvaita kuti vamwe mune zvematongerwo enyika vakurudzire hurumende kuti paitwe sarudzo dze by elections sezvo nzvimbo dzakawanda dzasara dzisina vamiriri.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti vane hurongwa hwekuti nyika isimuke kubva mumadhaka mairi vachiti vakafa muhondo yerusununguko vakafira kuti munyika muve nehugaro hwakanaka. VaMnangagwa vataura izvi nhasi pamarinda anovigwa magamba enyika pamhemberero dzezuva remagamba.
Bato reMDC Alliance rinoti bhuku renhoroondo yemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, iro rakaparurwa nezuro, harina kuburitsa mabasa akaipa akaitwa naVaMnangagwa munguva yeGukurahundi apo vaive gurukota rezvekuchengetedzwa kwenyika.
Komisheni inoona nezvekurwiswa kwehuori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission inoti iri kuferefeta mapazi ose ehurumende pamwe nemakambani ehurumende akabuda mugwaro raAuditor General kunzi haasi kufambisa mari zvakanaka.
Vaimbova mumiriri weBikita West muparamende, VaMunyaradzi Kereke, vabvumidzwa nedare repamusoro-soro reSupreme Court kubhadhara mari yechibatiso vakamirira kupikisa mutongo wavakapihwa pamwe nekubatwa kwavakaitwa nemhosva yekubata chibharo hama yavo vakapatira pfuti.
Rodhai zvimwe