Accessibility links

Breaking News

Nhengo yeZanu-PF VaKereke Vakabatwa neMhosva Yekubata Chibharo Vopihwa Mukana weKubvisa Mari yeChibatiso


Zimbabwe Elections
Zimbabwe Elections

Vaimbova mumiriri weBikita West muparamende vari nhengo yeZanu-PF, VaMunyaradzi Kereke, vabvumidzwa nedare repamusoro-soro reSupreme Court kubhadhara mari yechibatiso vakamirira kupikisa mutongo wavakapihwa pamwe nekubatwa kwavakaitwa nemhosva yekubata chibharo hama yavo vakapatira pfuti.

Dare repamusoro-soro reSupreme Court nhasi ratura mutongo wekuti VaKereke vabhadhare zviuru mazana mashanu zvemadhora ari maRTGS ($500 000) semari yechibatiso vakamirira kupikisa mutongo wavakapihwa nedare wekupika makore gumi nemana mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo hama yavo yaive nemakore gumi nerimwechete pavanonzi vakapara mhosva iyi.

VaKereke, avo vanonzi vakapara mhosva iyi vakapakatira pfuti, vanoti dare ramejasitiriti rakakanganisa parakavabata nemhosva uye vanoti mutongo wavakapihwa haukodzere.

Rimwe remagweta ari kumirira VaKereke, VaJames Makiya, vati vafara nemutongo waturwa nedare vachiti chasara ndechekuti VaKereke vazvichenure pachanzwikwa chikumbiro chavo chekuti mutongo wavakange vapihwa uraswe.

VaMakiya vati zvisinei nekuti nguva yanga yasara kuti vapedze kupika yanga yave shoma, chakakosha ndechekuti zita ravo ribviswe mumadhaka mariri.

Rimwe gweta remuHarare, VaCharles Warara, avo vakazokwidza nyaya iyi kumatare vakamirira mwana anonzi akabatwa chibharo naVaKereke mushure mekunge vaimbova muchuchisi mukuru munyika VaJohannes Tomana varamba kuchuchisa nyaya iyi vachiti pakanga pasina humbowo hunoroverera VaKereke, vaudza Studio 7 kuti kupihwa kwaitwa VaKereke mukana wekubhadhara mari yechibatiso hakurevi kuti ndipo pakaperera sarungano.

VaWarara vati chavari kuda kuona ndechekuona kuti munhu anenge akapara mhosva aripa mhosva yaanenge akapara.

VaKereke vakambosvitsa chikumbiro ichi kudare repamusoro asi chikaraswa vachinzi vakange vanonoka kusvitsa chikumbiro ichi zvakazoita kuti vakwidze nyaya iyi kudare reSupreme Court.

Kupihwa kwaitwa VaKereke mukana wekubhadhara mari yechibatiso iyi kwave kureva kuti vave kubuda mujeri vogara kumba kusvika dare reSupreme Court ranzwa pamwe nekutura mutongo waro pachikumbiro chavo chekupikisa kubatwa kwavaitwa nemhosva nedare ramejasitiriti pamwe nemutongo wakaturwa nedare iri. V

aKereke vakabatwa nemhosva muna 2016. Mhosva iyi yainge yaparwa muna 2010 asi ichinetsa kutongwa vamwe vachiti zvaikonzerwa nenyaya dzezvematongerwo enyika.

Nyaya Ina Thomas Chiripasi
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG