Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yoyambira Vashandi Vayo Vasati Vabayiwa Nhomba yeCovid-19 Kuti Havapindi paBasa


Hurumende inoti vashandi vayo vasati vabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 havachabvumidzwi kuenda kubasa.
Hurumende inoti vashandi vayo vasati vabaiwa nhomba yekudzivirira Covid-19 havachabvumidzwi kuenda kubasa.

Hurumende inoti vashandi vayo vasina kubaiwa nhomba dzeCovid 19 kusvika mukupera kwezuva ranhasi havachabvumidzwe kuuya kubasa uye vasina kubaiwa nhomba idzi vacharangwa zvakaomarara. Asi vashandi vehurumende vanoti zviri kutaurwa nehurumende izvi hazvina musoro.

Text: Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko VaNick Mangwana vazivisa padandemutande ravo reTwitter nhasi kuti hurumende haisi kudzokera kumashure nedanho rayo rayakatora rekuti vashandi vayo vose vasina kubaiwa nhomba dzekudzivirira Covid-19 havachazobvumidzwa kuenda kubasa kubva mangwana zvichienda mberi.

VaMangwana vati vashandi vehurumende vose vacharamba kubaiwa nhomba idzi vacharangwa zvakawomarara uye vati panguva yavanenge vasiri kuenda kubasa vashandi ava havasi kuzobhadharwa mihoro yemazuva iwayo.

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvehutano uye vari mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga, avo vari kuDubai pari zvino uye mutevedzeri wavo VaJohn Mangwiro vanga vasiri kudaira nharembozha yavo kuti tinzwe kuti matanho api ari kutorwa nebazi ravo kuona kuti vashandi vehurumende vakwanisa kuwana nhomba idzi nekukasika.

Zvichakadai gurukota rinoona nezvevashandi, Muzvinafundo Paul Mavima, vatenda kuti vashandi vese vehurumende vanofanira kuti vabaiwe nhomba idzi uye vati vazhinji vevashandi vehurumende vakatobaiwa nhomba dzeCovid 19 kare.

///////act 1-------mavima/////

VaMavima vati vashandi vehurumende vanofanira kuziva kuti kusabayiwa nhomba idzi kune mubayiro wacho kubva pakataurwa nyaya iyi nehurumende.

/////////act 2------mavima/////

Asi mutevedzeri wemuyori mukuru musangano revashandi vehurumende reZimbabwe Confederation of Public Sector Trade Unions, VaGibson Mushangu, vati danho rehurumende iri harina zvarinoreva kwavari nekuti havana kutambira tsamba kubva kuhurumende kubva zvakatorwa danho iri nedare remakurukota ehurumende.

///////act 3------mushangu/////////

Mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamted Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati hurumende haifaniri kuedza kutsvaga nzira dzekusabhadhara vashandi vayo kubudikidza nekudzinga mabasa vashandi vasina kubaiwa nhomba dzeCovid 19. VaMasaraure vati hurumende inofanira kugadzirisa nyaya dzemihoro yevashandi vayo kwete kuswera ichidzinganisana nezvinhu zvisina musoro.

///////act 4----masaraure////////

Zvichakadai, imwe nyanzvi munyaya dzezvehupfumi uye vakamboshanda sachipangamazano munyaya dzehupfumi mubazi rezvemari, VaMasimba Manyanya, vati hurumende haifanire kumanikidza vashandi vayo kubaiwa nhomba dzeCovid-19 vachiti izvi zvinotyora kodzero dzevashandi. VaManyanya vati kana hurumende ikaenderera mberi nehurongwa hwayo uhwu zvichakanganisawo hupfumi hwenyika sezvo vashandi vehurumende vane basa rakakura kwazvo mukusimudzirwa kwehupfumi hwenyika.

/////////act 5-------manyanya///////

Hurumende iri kukurudzirawo veruzhinji kuti vabaiwe nhomba dzeCovid-19 idzo dziri kubaiwa pachena muzvipatara zvehurumende nemakanzuru senzira yekuedza kudzivirira kupararira kwechirwere ichi munyika. Zvipatara zvinoshanda zvakazvimirira zviri kubhadharisawo mari shomanana kubaya nhomba idzi.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba vanhu mariyoni gumi kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana pakupera kwegore rino senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG