Accessibility links

Breaking News

Covid-19 Yakauraya Vanhu Vashanu neMusi weMuvhuro


Health care workers move a dead body to a refrigerated container after a hospital morgue overwhelmed by COVID-19 deaths as the country struggles to deal with its biggest outbreak to date, in Pathum Thani, Thailand, July 31, 2021.
Health care workers move a dead body to a refrigerated container after a hospital morgue overwhelmed by COVID-19 deaths as the country struggles to deal with its biggest outbreak to date, in Pathum Thani, Thailand, July 31, 2021.

Vanhu vashanu vakafa nechirwere cheCovid-19 nezuro, uye vanhu zana nemakumi matatu vakabatwa nechirwere ichi nezuro wakare.

Bazi rezvehutano razivisa kuti pane vanhu vashanuvakafa nechirwere cheCovid 19 nezuro izvo zvakasvitsa vanhu vafa nechirwere ichi munyika pazviuru zvina nemazana mashanu ane makumi mana nevatatu (4 543).

Bazi iri rinotwoi vanhu vakabatwa nechirwere ichi nezuro chete izana namakumi matatu (130) uye vanhu vose ava vakabatira chirwere ichi munyika.

Bazi iri rinotiwo kusvika mukupera kwezuva nezuro, Zimbabwe yave nevanhu zviuru zana rine makumi maviri nezvitanhatu nemazana matatu ane makumi mapfumbamwe (126 399) vabatwa nechirwere ichi kubva zvachakapinda munyika.

Vapora vanonzi vasvika pazviuru zvine gumi nezvipfumbamwe nemakumi mana nevapfumbamwe (119 049) uye vafa vasvika pazviuru zvina zvine mazana mashanu nemakumi mana nevatatu (4 543).

Vanhu vakabayiwa nhomba yekutanga nezuro vaive zviuru gumi nechimwe nemazana masere nevanomwe (11 807) izvo zvakasvitsa huwandu hwevanhu vabayiwa nhomba yekutanga munyika yose pamamiriyoni maviri nezviuru mazana masere nemakumi mashanu nezvitanhatu zvine mazana mapfumbamwe nemakumi mashanu nevashanu (2 856 955).

Vanhu vakabaiwa nhomba yechipiri nezuro vanonzi vakaita zviuru makumi matatu nechimwechete nemazana matanhatu nemakumi mana nevana (31 644) zvasvitsa vanhu vabaiwa nhomba yechipiri munyika yose pamiriyoni imwechete ine zviuru mazana masere nemakumi mapfumbamwe nezvina nemazana manomwe nemakumi masere ( 1 9894 780).

Huwandu uhwu hunogona kukwira manheru apo bazi rezvehutano richaburitsa zvarawana muongororo dzaitwa nhasi.

Hurumende iri kukurudzira veruzhinji kubva pavana vane makore gumi nemana ekuzvarwa kuti vaende kunobayiwa nhomba dzeCovid 19 muzvipatara zvehurumende nemakiriniki ekanzuru kwavanobaiwa nhomba idzi pachena kana kumakiriniki anoshanda akazvimirira kwavanobhadhariswa mari shomanana.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba dzeCovid 19 vanhu mamiriyoni gumi munyika kana kuti zvikamu makumi matanhatu kubva muzana senzira yekupedza kupararira kwechirwere ichi munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG