Accessibility links

Breaking News

Varairidzi Vodaidzira Musangano weChimbichimbi neHurumende


Teachers Zimbabwe
Teachers Zimbabwe

Mamwe masangano evarairidzi ari kukurudzira hurumende kuti ishevedzere musangano wechimbichimbi wekuzeya kukwira kuri kuita huwandu hwevana vari kubatwa nechirwere cheCovid 19 muzvikoro pamwe nenyaya dzemari yemihoro.

Izvi zvinotevera kubatwa kwakaita vamwe vana vechikoro nechirwere ichi mudunhu reManicaland, Matabeleland South pamwe neHarare kubva pavhurwa zvikoro.

Masangano evadzidzisi anoti haasi kufara kuti hurumende yakakonzeresa kuvhurwa kwezvikoro isina kugadzirira zvakakwana kuitira kuti varairidzi pamwe nevana vechikoro vasabatwe nechirwere cheCovid 19.

Mashoko atiri kutambira anoti pane vana vapfumbamwe vakabatwa nechirwere cheCovid 19 pachikoro cheChriste Mambo mudunhu reManicaland, vana gumi nevaviri kuchikoro cheTongwe chiri kuBeitbridge uye mwana mumwe chete weGrade 7 akabatwawo nechirwere ichi pachikoro cheHallingbury chiri muHarare.

Mutungamiri weAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati nekuda kwekukwira kuri kuita huwandu hwevana vari kubatwa nechirwere ichi muzvikoro, hurumende inofanira kushevedzera musangano wechimbichimbi navose vari mune zvedzidzo pamwe nezvehutano kuti pazeyewe kuti ndezvipi zvingaitwa kuti chirwere ichi chisarambe chichipararira muzvikoro.

Izvi zvatshinhirwawo nemutungamiri wesangano reProgessive Teachers Union of Zimbabwe, VaTakavafira Zhou, avo vati chirwere cheCovid 19 chatandavara serunyemba muzvikoro asi hurumende iri kuramba yakaisa zvimiti munzeve.

VaZhou vati hurumende inofanirawo kushandisa mukana uyu kugadzirisa nyaya yemari dzemihoro dzevarairidzi kuitira kuti vadzidzisi vaite basa ravo vakasununguka kana hurumende ikakwanisa kukwanisa kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19 muzvikoro.

Mutungamiri weZimbabwe Teachers Association, VaRichard Gundane, vati kuti vana vadzidze zvakanaka zvinodawo kuti vadzidzisi vavo vange vakafarawo.

Hatina kukwanisa kutaura nemunyori wezvedzidzo, Amai Tumisang Thabelapamwe nemutauriri webazi redzidzo, VaTaungana Ndoro, avo vanga vasiri kudaira nharembozha dzavo pamwe nekusapindura mibvunzo yatavatumira kuti tinzwe divi rebazi ravo panyaya yemusangano wechimbichimbi uri kudiwa nevarairidzi uyu.

Asi mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro, vaudza Studio 7 parunhare kuti vari kushanda nebazi rezvedzidzo mukuedza kudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19 vachiti bazi ravo riri kutumira vanhu muzvikoro zvose zvinenge zvafungidzirwa kuti zvaita chirwere ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG