Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Vorangarira Magamba Vachivimbisa Kugadzirisa Hupfumi hweNyika


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanoti vane hurongwa hwekuti nyika isimuke kubva mumadhaka mairi vachiti vakafa muhondo yerusununguko vakafira kuti munyika muve nehugaro hwakanaka. VaMnangagwa vataura izvi nhasi pamarinda anovigwa magamba enyika pamhemberero dzezuva remagamba.

Vachitaura pamhemberero dzezuva remagamba paHeroes Acre neMuvhuro, VaMnangagwa vati hurumende yavo iri kushanda zvakasimba kusimbaradza hupfumi hwenyika pamwe nenyaya dzebudiriro mumatunhu ose munyika.

Semuenzaniso, VaMnangagwa vati hurumende yavo iri kushanda zvakasimba kuvandudza nyaya yedzidzo pamwe nekugadzira migwagwa yakawanda munyika. Vati kunyange Zimbabwe yakatemerwa zvirango, hurumende yavo ine tarisiro yekuti hupfumi hwenyika huchasimukira vanhu vagodya huchi nemukaka.

Zvichakadai, mutauriri weMDCT, VaWitness Dube, vati kunyange hazvo vachicherechedza kurwirwa kwakaitwa nyika kubudikidza nehondo yeChimurenga, zvimwe zvezvakarwirwa nevarwi vehondo zvinosanganisira nyaya yekucherechedzwa kwekodzero dzevanhu hazvisati zvagadziriswa makore makumi mana nerimwe nyika yawana kuzvitonga kuzere.

VaDube vati vamwe vakafa vachirwira kuti munyika muve nehutongi hwejekere pamwe nekucherechedzwa kwekodzero dzeveruzhinji, vakaita sevaimbova mutungamiri weMDC, mushakabvu VaMorgan Tsvangirai, nevamwe vanofanira kuitwa magamba enyika.

VaMnangagwa vashandisawo mukana wemhemberero dzanhasi kupa menduru kune vamwe vakarwa muhondo yerusunguko vakaita saVaJosiah Tongogara, VaAlfred Nikita Mangena, Amai Jane Ngwenya avo vakashaya svondo arpera, VaAbraham Nkiwane nevamwe kubudikidza nebasa guru ravakabata kuti nyika iwane kuzvitonga kuzere.

Menduru idzi dzapihwawo mamwe masvikiro akafa nguva yeChimurenga chekutanga anoti Mbuya Nehanda naSekuru Kaguvi.

VaMnangagwa vapawo menduru kune vamwe vakashanda zvakasimba kusimudzira nyika pamwe neraramo yevanhu nyika yawana kuzvitonga kuzere.

Vanhu ava vanosanganisira VaJohn Maluzo Ndlovu, avo vakarwira kuti vakarwa muhondo yerusunguko vapihwe mari dzemudyandigere, gurukota rezvemitambo netsika, Muzvare Kirsty Coventry, nekukunda kwavakaita mumitambo yema Olympics pavakanga vachiri kuita zvekutuhwina uye mudzimai wavo Amai Auxillia Mnangagwa, avo vari kutenderera nenyika yose vachibatsira vakwegura, vanotambura pamwe nekudzidzisa veruzhinji nezvedenda reCovid 19.

Mhemberero dzanhasi dzaitwa paine vanhu mazana maviri chete vanga vakakokwa senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19. V

aMnangagwa vashandisawo mukana uyu kukurudzira veruzhinji kuti vabaiwe nhomba dzeCovid 19 kuitira kuti nyika yose izvidzivirire kudenda iri. Vati hurumende yavo icharamba ichitenga nhomba idzi kusvikira vanhu vose vabaiwa.

Hurumende inoti ine hurongwa hwekubaya nhomba idzi kuvanhu mamiriyoni gumi kana kuti zvikamu zvitanhatu kubva muzana senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19.

.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG