Mutungamiri webato rinopikisa reMDC-T, VaDouglas Mwonzora, nhasi vakurudzira kuti zvirango zvinonzi zvakatemerwa Zimbabwe zvibviswe vachitiwo hurumende inofanira kuvandudza zvinhu zvakawanda sarudzo dzisati dzaitwa.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo paMorgan Richard Tsvangirai House muHarare neChishanu, VaMwonzora vakurudzira kuti zvirango zvibviswe vachiti zvirango izvi hazvina zvazviri kubatsira kuruzhinji rweZimbabwe.
Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaRashweat Mukundu, vati havaone nyika dzekumawirira dzakaisa zvirango izvi dzichizvibvisa munguva pfupi iri kutevera nekuti kodzero dzevanhu dziri kuramba dzichityorwa nehurumende.
VaMwonzora vatiwo pane zvakawanda zvinofanira kugadziriswa sarudzo dzemuna 2023 dzisati dzaitwa, zvakafanana nekuti zvizvarwa zveZimbabwe zviri kunze kwenyika zvinofanira kuti zvivhote musarudzo idzi zviri munyiika dzazvigere, uye mitemo inobata sarudzo inofanira kuvandudzwa.
Hatina kukwanisa kutaura negurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi kuti tinzwe kuti matanho api ari kutorwa nehurumende mukuvandudza mitemo inobata sarudzo.
Asi sachigaro wekomisheni inoona nezvesarudzo, Amai Priscilla Chigumba, vakamboudza Studio 7 nguva pfupi yapfuura kuti komisheni yavo haina dambudziko rekutevedzera mutemo vachiti nyaya yekufambiswa kwesarudzo inyaya inofanira kugadziriswa nedare reparamende kubudikidza nekuvandudza mitemo inobata nyaya dzesarudzo.
VaMwonzora vati vane chivimbo chekuti nyaya dzekufambiswa zvakanaka kwesarudzo dzinogona kugadzirisika kana nhaurirano pakati pehurumende, mapato anopikisa, masangano anoshanda akazvimirira, vedzisvondo nevemabhizimusi nevamwe vakagara pasi poitwa nhaurirano dzechokwadi.
Zvichakadai, mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati nguva yapera kuti munyika muve nekuvandudzwa kwemitemo ine chekuita nesarudzo.
Nhaurirano pakati paVaMwonzora nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa dzinonzi dzakatanga zvichitevera kupindura kwakaita VaMnangagwa tsamba yavakanyorerwa naVaMwonzora.
VaMwonzora vati vari mubishi kubvunza nhengo dzebato ravo kuti nhaurirano idzi dzinofanira kutora mutowo upi vachiti vari kutarisira kupedza kubvunza nhengo dzavo mumatunhu ose enyika mumazuva gumi ari kutevera.
Vasati vapindura tsamba yaVaMwonzora, VaMnangagwa vakamboti nhaurirano dzichaitwa chete pasi pegungano rePolitical Actors Dialogue kana kuti Polad iro riri kushorwa neMDC Alliance inotungamirwa naVaNelson Chamisa.
Facebook Forum