Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Ambochengetedza Vatori veNhau Vapfumbamwe


Zimbabwe Protests

Mapurisa emuHarare nhasi ambochengetedza vatori venhau vapfumbamwe avo vanga vaenda kumusangano wekomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission nevemapato ezvematongerwo enyika.

Mapurisa ambosunga vatori venhau vapfumbamwe vanga vachida kutevera musangano wezvesarudzo wanga uchiitwa nekomisheni inoona nezvesarudzo pamwe nevemapato ezvematongerwo enyika wanga uchiitwa pamahofisi eZEC epurovhinzi yeHarare nhasi.

Mumwe wevatori venhau ava, Leopold Munhende, ati iye nevamwe vake vasungwa nhasi mangwanani vakamirira kupinda mumusangano uyu.

Munhende ati kusungwa kwavaitwa kwanga kusiri pamutemo sezvo vasina kupihwa chikonzero chavasungirwa panguva yavasungwa vasati vazoregedzwa mushure mekupindira kwaita magweta munyaya iyi.

Sangano reMisa Zimbabwe rinoti vamwe vambochengetedzwa nemapurisa pamwe naMunhende, ndiThomas Madhuku, Nyashadzashe Ndoro, Robert Tapfumaneyi, Marshal Bwanya, Gaddafi Wells, Adrian Matutu, Tongai Mwenje naTinashe Muringai.

Misa Zimbabwe inoti vatori venhau ava vazoregedzwa paHarare Central Police Station mushure mekunge gweta ravo, VaChris Mhike, vapindira.

Misa Zimbabwe inoti iri kushushikana zvikuru nemaitiro emapurisa ayo anogara akapindira pamwe nekuvhiringidza mashandiro evatori venhau.

Zvichakadai, mapurisa anonzi asungawo munyori wepurovhinzi yeHarare muboka revechidiki reMDC Alliance, VaDenford Ngadziore, nevamwe mushure mekuratidzira kwaita boka ravo panga pachiitirwa musangano uyu.

Munyori muboka revechidiki reMDC Alliance, VaStephen Chuma, vashora kusungwa kwevatori venhau pamwe nenhengo dzebato ravo.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi remapurisa nezvekusungwa kwaVaNgadziore.

Mutauriri weMDC Alliance, Muzvare Fadzayi Mahere, vaburitsawo mashoko kuvatori venhau vachiti ZEC yarambidza mumiriri webato ravo VaWillias Madzimure kupinda misangano yeZEC nevemapato ezvematongerwo enyika.

Hatina kukwanisa kutaura nemukuru anoona nezvesarudzo muZEC, VaUtoile Silaigwana, kuti tinzwe kuti sei ZEC yakatora danho iri.

Mapato anopikisa anoti pane zvakawanda zvinoda kugadziriswa zvinobata nyaya dzesarudzo zvaanoti zvinoda kugadziriswa kuti sarudzo dzemuna 2023 dzine sarudzo dziri pachena.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG