Accessibility links

Breaking News

MDC Alliance Inocherechedza Kusvitsa Makore Makumi Maviri neMaviri Kubva Pakaumbwa MDC


Zimbabwe Power Sharing MDC Supporters

Bato reMDC Alliance nhasi rachecherechedza makore makumi maviri nemaviri kubva pakaumbwa bato reMDC muna 1999, ukuwo MDC-T ichiti ichacherechedza zuva iri mangwana.

Muchakabvu Morgan Tsvangirai ndivo vakava mutungamiri weMDC wekutanga muna 1999.

MDC Alliance yacherechedza zuva iri kubudikidza nemashoko aturwa nemutungamiri webato iri, Nelson Chamisa, kuvatsigiri vavo vachishandisa madandemutande sezvo vasiri kukwanisa kuita misangano nevatsigiri vavo nepamusana pechirwere cheCovid 19.

VaChamisa vati rwendo rwafambwa nebato ravo rwunorwadza kubudikidza nekushungurudzwa kwenhengo dzavo asi vati vane chivimbo chekuti veruzhinji vachawana rugare kana vakakunda musarudzo dzemuna 2023.

VaChamisa vati bato ravo rine hurongwa hwekugadzirisa matambudziko akatarisana neveruzhinji munyika vachiti hurumende yeZanu PF yatadza kupa veruzhinji rugare kubudikidza nehuori hunonzi hwakatekeshera muhurumende.

Zvichakadai, MDCT inotungamirwa naVaDouglas Mwonzora inoti ichaita musangano pamuzinda webato iri paMorgan Richard Tsvangirai House mangwana apo bato iri richaitawo mhemberero dzekucherechedza kusvitsa kweMDC makore makumi maviri nemaviri bato iri raumbwa.

Mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vaudza Studio 7 kuti bato ravo rine basa guru rekupedzisa rwendo rwakatangwa nevamwe vavo rwekurwira shanduko vanosanganisira vashakabvu vanoti VaTsvangirai, VaGibson Sibanda, VaIsaac Matongo, Amai Getrude Mtombeni nevamwe.

VaDamba vati kutsemuka nepakati kwakaita bato ravo zvichitevera mutongo wedare repamusorosoro uyo wakati VaChamisa havana kusarudzwa zviri pachena kuti vatsive VaTsvangirai, hakuvatadzise kukunda musarudzo vachiti bato ravo harisi kurwisana naVaChamisa asi kuti riri kurwisana nehutongi hwebato reZanu PF pamwe nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Asi imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvare Sibongile Mgijima, vati kunyange hazvo mapoka eMDC aya akapatsanurana, MDC Alliance yaVaChamisa ndiyo ine mukana wekukunda musarudzo.

Kubva zvakavambwa MDC muna 1999, bato iri harisati rakwanisa kupinda mumasimba kunyange hazvo VaTsvangirai vakamboumba hurumende yemubatanidzwa nemushakabvu VaRobert Mugabe muna 2009 zvichitevera kusafamba zvakanaka kwesarudzo dzemuna 2008 izvo zvakaita kuti nhengo dzeMDC dzakawanda dzirasikirwe nehupenyu mumhirizhonga yakaitika pamberi pesarudzo yechipiri yemutungamiri wenyika pakakunda VaTsvangirai VaMugabe musarudzo yekutanga asi vakashaya mavhoti anodiwa pamutemo kuti vanzi ndivo vahwinha sarudzo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG