Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Anti Corruption Commission Yovimbisa Kusunga Vakuru muHurumende vari Kuba Mari


Komisheni inoona nezvekurwiswa kwehuori yeZimbabwe Anti-Corruption Commission inoti iri kuferefeta mapazi ose ehurumende pamwe nemakambani ehurumende akabuda mugwaro raAuditor General kunzi haasi kufambisa mari zvakanaka.

Text: Izvi zvabuda pamusangano wepagore wekutanga wekomisheni iyi uyu uyo waitirwa pamadandemutande senzira yekudzivirira kupararira kwechirwere cheCovid 19.

Vachitaura pamusangano uyu, sachigaro weZACC, Amai Loice Matanda Moyo, vati komisheni yavo haisi kufara kuti huori hwakanyanya mumapazi ehurumende, makambani ehurumende, makambani akazvimirira pamwe nemasangano anoshanda akazvimirira.

Amai Matanda Moyo, vati nekuda kwekuti Zimbabwe yakaiswa panyika yezana nemakumi mashanu nepfumbamwe (159) panyika zana nemakumi masere (180) dzakaongororwa munyaya dzehuori zvinoratidza kuti huori hwakapfunya chisero munyika, ivo sekomisheni vakabva vazvitarira basa rakakura kwazvo rekurwisana nehuori vachiti vakagona basa zvisinei kuti dzimwe nyaya dzavaibata dzaimbovhiringidzwa nevamwe vakuru-vakuru vari mumahofisi mahombe vavasina kudoma nemazita.

Amai Matanda Moyo vati mushure mekuverenga gwaro raAuditor General Amai Mildred Chiri ra2019 nemamwe avakaburitsa mushure megwaro iri, komisheni yavo yakaona kuti pane nyaya dzakawanda dzehuori, kushandiswa kwemari nezvinzvimbo zvisirizvo muhurumende.

Nokudaro, Amai Matanda Moyo vanoti vari kuferefeta mapazi ehurumende akawanda.

Mamwe emapazi ehurumende akanzi naAmai Chiri haasi kufambisa mari zvakanaka anosanganisira bazi rezvehutano, bazi rezvekurima, Zimbabwe Revenue Authority nemamwe.

Asi mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatshwayo, vati hapana chavari kutarisira chakanyanya kubva kuZACC sezvo komisheni iyi ichinziwo ine nyaya dzayo dzekusafambisa mari zvakanaka.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemabasa musangano rinorwisa nyaya dzehuori kuchamhembe kweAfrica reAnti-Corruption Trust of Southern Africa VaAlois Chaumba vanoti dai hurumende yaida kurwisa huori zvakasimba, ZACC yaifanira kushanda naAmai Chiri.

Kunyange hazvo komisheni yeZACC yakanziwo naAuditor General haisi kutevedzera mutemo wePublic Finance and Management Act mukashandisa kwayo mari yehurumende, Amai Matanda Moyo vati komisheni yavo yakazvipira kuenda kuparamende kunoratidza dare iri mashandisiro ainoita mari yainenge yapihwa nebazi rezvemari.

Munyori mukuru muZACC kana kuti Executive Secretary, Muzvare Sukai Tongogara vaudzawo musangano uyu kuti komisheni yavo haisi kufara kuti paramende iri kunonoka kuvashevedza kuti vazotsanangura mashandisiro avanoita mari yavanenge vapihwa nebazi rezvemari.

Amai Matanda Moyo vati komisheni yavo ine hurongwa hwekuvhura mamwe mahofisi kune mamwe matunhu kuitira kuti munyika yose muve nemahofisi eZACC matanhatu senzira yekuedza kuti vabate nyika yose mukurwisa huori.

Kusvika parizvino, Amai Matanda Moyo vati komisheni yavo yatambira nyaya dzehuori zana nemakumi mashanu nenomwe (157) uye panyaya dzose idzi ZACC yakwanisa kuferefeta nyaya makumi manomwe nenhanhatu (76).

Zvichakadaro, Muzvare Tongogara, vati komisheni yavo iri kusanganawo nematambudziko akawanda anosanganisira kusachengetedzeka kwevanovaridzira pembe kana huwi nenyaya dzehuori pamwe nevafakazi, kunonoka kutongwa kwenyaya dzehuori mumatare, kusafara kwevashandi vekomisheni yavo kubudikidza nekusamira zvakanaka kwemashandiro avo nezvimwe.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG