Accessibility links

Breaking News

Masangano eVarairidzi Anoti Covid-19 Yava Kutyisa Muzvikoro


FILE - Pupils attend a class at a school in Harare, Sept, 28, 2020. This school year, Zimbabwe in-person classes resumed the week of August 30, 2021, but thousands of teachers are on strike.

Chirwere cheCovid 19 chiri kutekeshera muzvikoro zvakawanda munyika panguva iyo zvikoro zvichinzi hazvisisina zvikwanisiro zvekuongorora vana kuti vane chirwere ichi here kana kuti kwete.

Rimwe remasangano anomirira vadzidzisi reProgressive Teachers Union of Zimbabwe, PTUZ, rinoti riri kushushikana zvikuru nekupararira kwarinoti kuri kuita chirwere chedzihwamupengo cheCovid 19 muzvikoro zvinonzi nesangano iri zvaita kuti vana vechikoro vanodarika zana vabatwe nechirwere ichi mumatunhu akasiyana-siyana munyika.

Mutungamiri wePTUZ, VaTakavafira Zhou, vati mushure mekuongororwa kwevana vari kuita zvidzidzo zve Ordinary neAdvanced Level zvakaonekwa pachikoro chimwe chete chavasina kutaura kuti ndechipi kuti pachikoro apa pakabatwa vana makumi manomwe nevashanu vaine chirwere cheCovid 19.

VaZhou vati vana vazhinji muzvikoro zvakawanda munyika yose havana kuongororwa kuti vane chirwere cheCovid 19 here kana kuti kwete pavakadzokera muzvikoro pakavhurwa zvikoro izvi sezvo zvikoro zvizhinji zvaive zvisina zvinodiwa pakuita ongororo yekuti vane chirwere ichi here kana kuti kwete, kana kuti ma test kits.

Vatiwo pari zvino ma test kits aya haasisimo muzvikoro zvakawanda uye mune zvimwe zvikoro zvange zviine zvikwanisiro izvi vana vakawanda vakabatwa vaine chirwere cheCovid 19.

Vatiwo vana vakawanda vari kugara vakamanikidzana mavanodzidzira pamwe nekudzimba dzavanorara pazvikoro zvavati zviri kuwedzera mikana yekuti vana ava vatapurirane chirwere ichi.

Mutungamiri wesangano revadzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vatiwo dambudziko iri raparirawo kuzvikoro zvakawanda zvekumaruwa vachiti nekuda kwekuti vamwe vana vanoenda kuzvikoro vachibva kumisha yavo zuva nezuva, vana ava vave kutopinza vabereki vavo panjodzi yekubatira chirwere ichi.

VaMasaraure vati vana vepachikoro cheChemhanza chiri kuHwedza vatadza kudzidza nhasi sezvo vaswera vachiongororwa kuti vane chirwere ichi here kana kuti kwete mushure mekunge vamwe vana vepachikoro apa vakawanikwa vaine chirwere ichi nezuro.

VaMasaraure vati mumaonero avo hapana nguva yakareba zvikoro zvisati zvavharwa zvakare nekuda kwechirwere ichi.

VaZhou vati hapasisina kudzidza kuri kuitwa muzvikoro zvakawanda zvine vana vakawanikwa vaine chirwere cheCovid 19 ichi sezvo varairidzi vachiti havana kukwanisa kubayiwa nhomba dzeCovid 19 saka nokudaro vave kutyawo kubatira chirwere ichi. VaZhou vati zvikoro zvizhinji zvatove ma quarantine centre evana vechikoro vakabatwa vaine chirwere ichi.

Asi mutauriri webazi redzidzo, VaTaungana Ndoro, vati mashoko ari kutaurwa nemasangano anomirira vadzidzisi aya haana musoro vachiti mashoko emasangano aya ndeekuedza kudzosera kumashure basa riri kuitwa nebazi ravo rekusimudzira dzidzo munyika panguva iyo nyika yakatarisana nedenda reCovid 19.

Hurumende yakakonzeresa kuvhurwa kwezvikoro masvondo maviri adarika bazi redzidzo richiti rakange raita gadziriro yakakwana kuitira kuti vadzidzisi nevana vechikoro vasabatwe nechirwere cheCovid 19.

Asi mashoko ari kubuda kumasangano evararidzi aya nevamwe vakuru vezvikoro ndeekuti havana zvakakwana zvekushandisa mukudzivirira denda iri muzvikoro kuvana vechikoro, varairidzi pamwe nevamwe vanoshanda muzvikoro.

Mutevedzeri wegurukota rezvehutano, VaJohn Mangwiro, vakaudza Studio 7 kuti vari kushanda pamwechete nebazi redzidzo kutumira vashandi vezvehutano muzvikoro zvinenge zvafudzirwa kuti zvapaduka chirwere cheCovid 19 senzira yekuderedza mukana wekuti chirwere ichi chipararire.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG