Accessibility links

Breaking News

Mumiriri weTsholotsho South, VaZenzo Sibanda, Vashaya


Mumiriri weTsholotsho South muparamende, VaZenzo Sibanda, vashaya nhasi nechirwere cheCovid-19 zvaita kuti vamwe mune zvematongerwo enyika vakurudzire hurumende kuti paitwe sarudzo dze by elections sezvo nzvimbo dzakawanda dzasara dzisina vamiriri.

VaSibanda, avo vanga vari nhengo yeZanu PF, vashaya nhasi kuBulawayo zvichitevera kurwara kwavanga vachiita nechirwere cheCovid 19.

Kushaya kwaVaSibanda kwaziviswa nasachigaro weZanu PF mudunhu reMatabeleland North uye vari gurukota rehurumende rinoona nezvinoitika mudunhu iri, VaRichard Moyo.

Mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vaudza Studio7 kuti bato ravo rarasikirwa zvikuru nekufa kwaVaSibanda.

Kushaya kwaVaSibanda kunouyawo apo imwe nhengo yeparamende yanga ichimirira vakaremara, Amai Rejoice Timire, vakashayawo nezuro kubudikidza nedenda rimwe chetero

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vakurudzira hurumende kuti iwone kuti sarudzo dzema by elections dzaitwa sezvo nzvimbo dzakawanda dzisisina vamiriri vachiti dzimwe nyika dzakaita seZambia dziri kungoita sarudzo zvisinei nedenda reCovid 19.

Asi VaMugwadi vati bato rakagadzirira sarudzo kunyange sarudzo idzi dzikanzi dziitwe chero upi musi zvawo asi vati sebato havafari kuisa veruzhinji panjodzi nekuda kwesarudzo.

Mukuru anoona nezvesarudzo mukomisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission, VaUtoile Silaigwana, vati komisheni yavo ichatevedzera zvinenge zvataurwa nehurumende panyaya dzesarudzo.

Hurumende yakambomisa kuitwa kwesarudzo dzema by elections ichityira kuti chirwere cheCovid 19 chinogona kupararira uye mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakataura neMuvhuro kuti nyika imboramba yakavharwa sezvo denda reCovid-19 riri kuramba richiuraya vanhu munyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG