Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, varamba kupinda munhaurirano pasi pegungano rakaumbwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti havana kodzero yekupinda mugungano iri.
Zimbabwe nemusi weMuvhuro yakatambira dzimwe nhomba dzedenda reCovid-19 kubva kuChina panguva iyo paine kurudziro yekuti hurumende ishande zvakasimba kuti nhomba idzi dzitengwe dzakawanda kuitira kuti dzikwanire veruzhinji.
Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato reZanu PF nhasi, munyori anoona nezvemari muZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vati komiti iyi ichange ichitungamirirwa namuzvinabhizimusi uye vari nhengo yeCentral Committee muZanu PF, VaPhillip Chiyangwa.
Gwaro idzva raburitswa nehurumende rinoti vanhu vari kufa zvakanyanya nechirwere cheCovid 19 vanhu vanenge vasina kubaiwa nhomba dzekudzivirira chirwere
Hurumende yeBritain yadzosa kumusha zvizvarwa zveZimbabwe gumi nezvina zvanga zviri muhupoteri kunyika iyi panguva iyo hurumende yeZimbabwe ichiti haisi kuzoshungurudza vanhu ava
Gudhlanga, uyo ange ave nemakore makumi mana nerimwe chete ekuberekwa, ange ave maneja wenhepfenyuro yeYaFM kuZvishavane.
Muzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau munyika, Sandra Nyaira, akaradzikwa zvine mutsindo neMugovera hama neshamwari dzichirumbidza mabasa aakaita achiri mupenyu.
Muzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau munyika, Sandra Nyaira, aradzikwa zvine mutsindo nhasi hama neshamwari dzichirumbidza mabasa aakaita achiri mupenyu.
Zimbabwe haisi kuda kubuda pachena kuti hurongwa hwayo hwakamira sei panyaya yekuendesa mauto ayo kuMozambique kti anobatsirana nemamwe mauto emunyika dziri muSADC kunorwisa vanopfurikidza mwero mudunhu reCabo Delgado kuMozambique uko kwafiwa nevanhu vakawanda.
Vatori venhau nemasangano enhau aratidza kusuwa kukuru zvichitevera kufa kwemuzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau, Sandra Nyaira, uyo akamboshanda neVOA Studio7 kwemakore gumi nemaviri.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nemusi weMuvhuro vakakurudzira veruzhinji kuti vanobayiwa nhomba dzeCovid 19 vachiti vari kushushikana nekuparira kuri kuita chirwere ichi.
Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights nemamwe masangano anoshanda akazvimirira aendesa hurumende kuUnited Nations neAfrican Union achigunun’una nekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.
Mukuru wemauto mubazi reZimbabwe National Army, Lieutenant General Edzai Chimonyo, vashaya nhasi muHarare mushure mekunetsekana nechirwere chegomarara kwenguva yakareba.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, nhasi vabatana nevatungamiri vedzimwe nyika muZambia pavanga vachichema vaimbova mutungamiri wenyika iyi VaKenneth Kaunda.
Sangano reInternational Trade Union Confederation raisa Zimbabwe pakati penyika gumi pasi rose dziri kunyanya kutyora kodzero dzevashandi.
Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano uyu uyo waitirwa pamuzinda weZanu PF, munyori wezvemari uye vari vakafanobata chigaro chemurongi wemisangano muZanu PF, VaPatrick Chinamasa, vati bato ravo harisi kufara nekupwanyirwa kuri kuitwa vanhu dzimba dzavo.
Mutauriri weboka revechidiki muMDC Alliance, VaStephen Chuma, vati zvakaitwa nemapurisa zvinoratidza pachena kuti hurumende iri kuramba ichishungurudza Muzvare Netsai Marova.
Mazana nemazana evanhu achange achirara panze kubva nhasi zvichienda mberi zvichitevera kupwanyirwa kwavaitirwa dzimba dzavo nehurumende kuMelfort.
Asi munyori anoona nezvevakaremara, VaDennis Mudzingwa, vati hapana chinofamba kana pasina kudzikwa mutemo unotsigira hwaro hwakaparurwa naVaMnangagwa.
Gurukota rezvedzimba, VaDaniel Garwe, vazivisa vagari vepapurazi reSolomio riri kuRuwa mudunhu reMashonaland East kuti hurumende haisi kuzovapwanyirwa dzimba dzavo mushure mekugara kwavanga vakaita zviri kunze kwemutemo.
Rodhai zvimwe