Accessibility links

Breaking News

Muzvinambiri Munyaya dzeNhau, Sandra Nyaira, Aradzikwa kuWarren Hills muHarare


Sandra Nyaira

Muzvinambiri munyaya dzekuburitswa kwenhau munyika, Sandra Nyaira, aradzikwa zvine mutsindo nhasi hama neshamwari dzichirumbidza mabasa aakaita achiri mupenyu.

Vehukama pamwe nevatori venhau vaungana pamarinda eWarren Hills muHarare vachiona kuradzikwa Nyaira.

Sandra Nyaira burial
Sandra Nyaira burial

Vataura pakuradzikwa kwake vakamirira amai vaNyaira, Amai Moreblessing Gombarume, vati varwadziwa zvikuru nekushaya kwemwana wavo.

Sekuru vaNyaira, VaClayton Gombarume, vatsanangurawo muzukuru wavo semunhu aive nerudo kuvanhu vose.

Vakamboshanda naNyaira achiri kutanga kuita zvekutapa nhau, Hama Saburi, ati Nyaira munhu aiziva basa rake zvokuti akatotanga kuwana mibayiro yekutora nhau achiri kudzidzira basa rekutora nhau.

Imwe yeshamwari dzake uye ari mupepeti webenhau reThe Zimbabwe Independent, Faith Zaba, ati rufu ndimadzongonyodze akatsanangura Nyaira semunhu aive nehushingi achiti mufi aive gamba raikwikwidza zvine mutsindo mukutapwa kwenhau.

Nyaira, uyo akafa nechirwere cheCovid 19, akatanga kushanda semutori wenhau kuCommunity Newspapers Group, ndokuzoenda kuZiana, mushure mezvo ndokuzoshandira The Daily News parakavambwa muna 1999 nemupepeti ane mukurumbira, VaGeoffrey Nyarota.

Akakwidziridzwa kuDaily News kusvika pachinzvimbo chemupepeti wenyaya dzematongerwo enyika, uye akava munhukadzi wekutanga kuva nechinzvimbo ichi kuDaily News.

Muna 2002, Nyaira akapihwa mubayiro weCourage in Journalism Award nesangano reInternational Women’s Media Foundation riri muWashington DC.

Muna 2003 Nyaira akatanga kushanda semutori wenhau weStudio7 ari muLondon, uko aiita zvidzidzo zvake zvepamusoro soro.

Akazoenda kunoshandira VOA Studio7 muWashington DC muna 2009

Hama dzaSandra Nyaira
Hama dzaSandra Nyaira

Nyaira, uyo azivikanwa nevamwe vake nerekuti VaChihera, ndiye akatanga chirongwa cheVOA Studio7 chinotarisa zvakadzama zvinosangana nevanhukadzi muhupenyu, cheWomen's Forum, pamwe nechenyaya dzehutano, izvo zvakaita kuti ave nhengo yeVOA Africa Health Network.

Mushure mezvo, Nyaira akazoitwa mupepeti wenhau dzeStudio7 ndokuzosiya basa iri muna 2015 achienda kunoshandira United Nations ari muAddis Ababa kuEthiopia.

Sandra Nyaira
Sandra Nyaira

Nyaira, uyo akashaya nemusi weChipiri, Chikunguru 13, 2021, anga ava nemakore makumi mana nematanhatu, uye ari mushandi weUnited Nations.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG