Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Ane Zvombo Akasvika Husiku hweMuvhuro paRufu rwaVaMarova


Zimbabwe police are seen outside the opposition party headquarters in Harare, Friday, June, 5, 2020. Armed riot police fired teargas and arrested several opposition leaders who had gathered at the party offices after it had been forcibly occupied by…
Zimbabwe police are seen outside the opposition party headquarters in Harare, Friday, June, 5, 2020. Armed riot police fired teargas and arrested several opposition leaders who had gathered at the party offices after it had been forcibly occupied by…

Mapurisa anga akapakatira zvombo anonzi akakanganisa mafambisirwo ebasa parufu rwababa venhengo yeMDC Alliance, Muzvare Netsai Marova, manheru anezuro maawa mashomanana Muzvare Marova vabva kupihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso nedare ramejasitiriri remuHarare.

Zvinonzi mapurisa akanga akapakatira zvombo akasvika pamba paichemerwa baba vaMuzvare Marova avo vanove mutevedzeri wemurongi wemisangano muboka revechidiki muMDC Alliance ndokuvhiringidza mafambisirwo aiitwa zvinhu parufu apa mumusha weMabvuku.

Zvakaitwa nemapurisa izvi zvinonzi zvakaita kuti vamwe vanhu vaive parufu vasiye kuchema mufi uye izvi zvakaitwa pasina chikonzero chakataurwa nemapurisa.

Mutauriri weboka revechidiki muMDC Alliance, VaStephen Chuma, vati zvakaitwa nemapurisa zvinoratidza pachena kuti hurumende iri kuramba ichishungurudza Muzvare Marova avo vanoti vakapambwa vakatochwa gore rapera vaine mumiriri weHarare West muparamende, Muzvare Joanna Mamombe pamwe neimwe nhengo yekomiti yepamusoro muboka revechidiki muMDC Alliance, Muzvare Cecelia Chimbiri.

VaChuma vati vanhu vaive parufu apa vakadirwa hutsi hunokachidza zvakaita kuti vatize parufu.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vatiwo zvakaitwa nemapurisa hazviratidzi hunhu pakatariswa nyaya yekuti Muzvare Marova vari pakati pekuchema.

Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevanhu kuchamhembe kweAfrica reHuman Rights Watch, VaDewa Mavhinga, vati zvakaitwa nemapurisa izvi zvinoratidza kuti hurumende haina kuzvipira kukoshesa kodzero dzevanhu vachiti zvinoshamisa kuti vakapamba nekutocha Muzvare Marova gore rapera havasi kusungwa asi vakatadzirwa varivo vanoramba vachishungurudzwa.

Mutauriri wemapurisa, VaPaul Nyathi, vati zvinonzi zvakaitwa nemapurisa izvi zvanga zvisati zvasvika munzeve dzavo saka nokudaro vati havakwanisi kutaura nezvenyaya iyi.

Kuvhiringidzwa kwakaitwa vanhu vaive parufu rwababa vaMuzvare Marova kwakaitikawo mushure memaawa mashomanana Muzvare Marova vabva kubuditswa muhusungwa mushure mekubhadhara mari yechibatiso pamhosva yavanonzi vakapara nemusi weSvondo panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport pavainotambira hanzvadzi yavo yaiuya kurufu urwu.

Muzvare Marova vanonzi vakatyora mutemo weCivil Aviation Act mushure mekunzi vakapinda nepamukova usingabvumidzwe zvakazoita kuti vamiswe pamberi pedare ramejasitiriti nezuro vakazopihwa mukana wekubhadhara mari yechibatiso.

Gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vakaudza Studio7 masvondo mashoma adarika mitemo yenyika inofanira kutevedzerwa chero nani zvake vachiti mutemo hautarise kuti munhu abuda mumba maani.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG