Accessibility links

Breaking News

Vanhu Gumi neVana Vadzoserwa Kumusha neBritain Vasvika muZimbabwe


UK Deportees
UK Deportees

Hurumende yeBritain yadzosa kumusha zvizvarwa zveZimbabwe gumi nezvina zvanga zviri muhupoteri kunyika iyi panguva iyo hurumende yeZimbabwe ichiti haisi kuzoshungurudza vanhu ava.

Britain inoti iri kuda kudzosera kumusha zvizvarwa zveZimbabwe zana nemakumi mashanu kunyange hazvo vamwe vevari kuda kudzoswa kumusha ava vakwidza nyaya iyi kumatare emuLondon.

Vadzoswa kumusha ava vasvika panhandare yendege yeRobert Gabriel Mugabe International Airport vari mundege yakabhadharwa nehurumende yeBritain.

Pavasvika panhandare iyi, vanhu gumi nevana ava havana kuwaniswa mukana wekutaura kana kusangana nehama dzavo uye vatori venhau vanga vachidzingwa nevasori pamwe nemapurisa kuti vasatore mifananidzo yevadzoswa kumusha ava.

Pasina chinguva, vadzoswa kumusha ava vabva vapinzwa mumabhazi maviri eZupco ayo anga akachengetedzwa nemapurisa ndokuendeswa kuZipam kuDarwendale kwavanonzi vachachengetwa kwemazuva gumi vachiongororwa kuti havana chirwere cheCovid 19 here.

Vamwe vanga vauya panhandare yendege iyi kuzotambira hama dzavo vakaita saAmai Pretty Muzangazi, vati havana kufara nekudzoswa kwaitwa mwana wavo kubva mhiri kwamakungwa asina kana chaainacho vachiti ndiye anga achichengeta mhuri.

Nokuda kwezvaitika izvi, Amai Muzangazi vati havachaziva kuti vachatangira papi nehupenyu sezvo mwana wavo angoita zvekumanikidzwa kudzoka pasina gadziriro.

Rimwe gweta riri kumirira zvizvarwa zveZimbabwe zviri kuda kudzoswa kumusha richishanda riri muBritain, VaAndrew Nyamayaro, vakurudzira zvizvarwa zveZimbabwe zviri muBritain zvisina mapepa akakwana kuti zvione magweta zvinhu zvisati zvavaipira.

Mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatswayo, vati zviri kuitwa neBritain izvi hazvina kunaka sezvo kodzero dzevanhu dziri kuramba dzichityorwa muZimbabwe.

Gurukota rezvekunze kwenyika, VaFredrick Shava, vati hurumende haisi kuzoshungurudza vadzoswa kumusha ava vachiti vachasungwa ndeavo vanenge vakasiya vapara mhosva

Hurumende yeBritain yanga ichifanira kudzosa vanhu vanodarika zana Zimbabwe asi pari zvino yakwanisa kudzinga vanhu gumi nevana chete.

Asi munyori mubazi rinoona nezvinoitika mukati meBritain uye vari nhengo yeparamende, Amai Priti Patel, vabuditsa mashoko ekuti hurumende yavo haisi kuzoregedza kubuditsa muBritain vanhu vanoponda, kubata chibharo pamwe nekutyora kodzero dzevana munyika yavo.

Vanhu vakawanda vakatiza muZimbabwe vakaenda muhupoteri kunyika dzakawanda pasi rose panguva yehutongi hwaVaRobert Mugabe vachitiza kusamira kwezvinhu zvakanaka munyaya dzehupfumi pamwe nematongerwo enyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:31 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG