Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inoiswa Pakati peNyika Gumi Pasi Rose Dzinotyora Kodzero dzeVashandi Zvakanyanya


Government Workers Harare Zimbabwe Protests

Sangano reInternational Trade Union Confederation, ITUC, raisa Zimbabwe pakati penyika gumi pasi rose dziri kunyanya kutyora kodzero dzevashandi.

Gwaro iri, iro riri kudaidzwa kuti Global Rights Index, rinoti Zimbabwe yaramba iri pamusoro mukutyora kodzero dzevashandi mushure mekunge bato reZanu PF raburitsa mashoko ekuti rimwe remasangano anomirira vashandi munyika, reZimbabwe Congress of Trade Unions (ZCTU) rakafanana nematororo.

Gwaro iri, iro rakaburitswa nezuro, ratiwo hutungamiri hweZCTU pamwe nehwesangano ravadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe (ARTUZ) huri kugara huchishungurudzwa pamwe nekuteverwa nevasori.

Sangano reITUC rinotiwo rakushushikana zvikuru nekumbotsvagwa nemapurisa kwakaitwa mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, mutungamiri weARTUZ, VaObert Masaraure nemunyori mukuru musangano reARTUZ, VaRobson Chere, pasina chikonzero chakapihwa nehurumende.

ITUC yashorawo kurambidzwa kunoitwa vashandi kuratidzira munyika ikatiwo haisi kufara nekusungwa kwakaitwa vakoti gumi nevatatu mushure mekuratidzira kwavakaita gore rapera vachichemachema nekushomeka kwemari dzavo dzemihoro munguva ino yechirwere cheCovid 19.

Sangano iri rati harisi kufara kuti hurumende yakazodzinga vakoti ava basa mushure mekuramba kuita nhaurirano nesangano ravo reZimbabwe Nurses Association.

Gurukota rezvevashandi, VaPaul Mavima, havana kubatika kuti tinzwe divi rehurumende pagwaro iri sezvo vasina kupindura mibvunzo yedu.

Asi VaMutasa vati zvataurwa neITUC ndezvechokwadi vachiti sangano ravo nemamwe masangano anomirira vashandi munyika haasi kukwanisa kuita basa akasununguka.

VaMasarure vatsinhira mashoko aVaMutasa vachiti pari zvino vari kutonetseka kuti vanyorese rimwe sangano rinomirira vadzidzisi sezvinodiwa nemutemo wenyika.

Asi mutungamiri wesangano revashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, Doctor Israel Murefu, vati kana pane zvinonetsa pakati pevashandi nehurumende zvinofanira kuti zvitaurwe kumusangano weTripartite Negotiating Forum potsvagwa nzira dzekuzvigadzirisa kwete kuti masangano ekunze ave iwo anotaura nhuna dzevashandi vemushandi vemuZimbabwe.

Asi mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vakurudzira hurumende kuti itevedzere mitemo inobata nyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevashandi pasi rose kuitira kuti zita renyika risarambe riri mumadhaka mariri.

Dzimwe nyika dzaiswa mubhasikiti rimwe chete neZimbabwe dzinoti Bangladesh, Belarus, Brazil, Colombia, Egypt, Honduras, Myanmar, The Philippines pamwe neTurkey, kubva panyika zana nemakumi mana nepfumbamwe dzakaongororwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG