Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inoti Haisi Kuputsa Dzimba kuSolomio kuRuwa


Gurukota redzimba, VaDaniel Garwe.
Gurukota redzimba, VaDaniel Garwe.

Guruokota rezvedzimba, VaDaniel Garwe, vazivisa vagari vepapurazi reSolomio riri kuRuwa mudunhu reMashonaland East kuti hurumende haisi kuzovapwanyirwa dzimba dzavo mushure mekugara kwavanga vakaita zviri kunze kwemutemo.

Vachitaura nevagari vepapurazi iri nhasi, VaGarwe vati varidzi vepurazi iri vebhanga reZB pamwe nekambani yeLandela avo vakabatana vakaumba kambani inonzi Solomio Farms Private Limited vabvuma kuti mhuri dzinodarika zviuru zvisere dziri papurazi apa dzitengeswere masitendi vachiti hurumende haisi kuzopwanyira vanhu ava dzimba dzavo kunyange dare repamusoro rakambenge ratura mutongo wekuti vanhu ava vapwanyirwe dzimba.

VaGarwe vati vakaita nhaurirano neveZB Bank nekambani yeLandela vakabvumirana kuti vagari vepapurazi apa vatengeserwe maistendi aya nemari inoita madhora mana ekuAmerica pa square metre yegayega.

VaGarwe vati hurumende ichange ichishanda nekambani yemunyori wezvemitemo muZanyu PF, VaPaul Mangwana ,yeZimbabwe Property Owners Trust, kana kuti Zipot, kuitira kuti vagari vepaSolomio vawane mapepa anoratidza kuti ndivo vave varidzi vemasitendi.

VaGarwe vakurudzirawo vanhu vakavaka dzimba munzvimbo dzanga dzakachengeterwa kuti pagovakwa zvitoro, makiriniki, machechi nezvikoro kuti vapwanye vega dzimba dzavo vasati vatumirwa zvikonzi zvematare.

VaMnagwana vati vachashanda zvakasimba kuti vagari vepapurazi apa vawane matsamba edzimba dzavo zvichitevera kuwirirana kwavaita nevaridzi venzvimbo iyi.

Vamwe vagari vepaSolomio vakaita saAmai Chipo Chiyava Tsanangura vati vafara zvikuru sezvo vanga vave nemakore akawanda vachigara vakabatira hura mumaoko vachitya kuputsirwa dzimba dzavo.

Gurukota rinoona nezvinoitika mudunhu reMashonaland East, Amai Apolonia Munzverengi, vatiwo dunhu ravo rine nzvimbo dzakawanda dzine vanhu vakagara zviri kunze kwemutemo vakakumbira VaGarwe kuti vagadzirise nyaya iyi kuitira kuti vanhu vawane magwaro edzimba dzavo uye kuti vagare munzvimbo dzinnge dzagadzirwa migwagwa, zvimbuzi uye dzine mvura yakachena.

Asi munyori wezvekutongwa kwematunhu mu MDC Alliance, VaSesel Zvidzai, vati hazvishamisi kuti hurumende yeZanu PF inoshandisa masitendi senzira yekutsvaga rutsigiro pamberi pesarudzo asi vanhu ava vachizobviswa muynzvimbo dzavanenge vari mushure mesarudzo.

Nyaya yechikiribidi papurazi iri yakatanga kubuda mubepanhau reThe Zimbabwean muna 2013 ichibata-bata zita revaimbove gurukota rezvematunhu, VaIgnatius Chombo, vaimbove gurukota rezveminda, VaHerbert Murerwa, vaimbove gurukota rezvevashandi, Amai Petronella Kagonye, pamwe nemukoma wamuchakabvu, VaSolomon Mujuru, VaJoel Mujuru.

Asi vane ruzivo nezviri kuitika vanoti hurumende inogona kunge yakurumidza kumedza kutsenga ichada sezvo pachine nyaya iri kumatare ine chekuita nepurazi iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:08:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG