Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Haisi Kubuda Pachena paNyaya yeKutumira Mauto kuSADC


Zimbabwe soldiers are placed where police are clashing with protestors over fuel hikes in Harare, Jan. 14, 2019.
Zimbabwe soldiers are placed where police are clashing with protestors over fuel hikes in Harare, Jan. 14, 2019.

Sangano remubatanidzwa wenyika dziri kuchamhembe kweAfrica reSouthern African Development Community, SADC, ratadza kupinza masoja muMozambique nenguva yarakanga ratara kuti masoja emubatanidzwa uyu ange apinda muMozambique zvichitevera kusagadzikana kuri munyika iyi uko kuri kukonzerwa nevanopfurikidza mwero.

Izvi zvaifanirwa kunge vakatanga nezuro, Chikunguru 15, 2021.

Zimbabwe haisi kuda kubuda pachena kuti hurongwa hwayo hwakamira sei panyaya yekuendesa mauto ayo kuMozambique kti anobatsirana nemamwe mauto emunyika dziri muSADC kunorwisa vanopfurikidza mwero mudunhu reCabo Delgado kuMozambique uko kwafiwa nevanhu vakawanda.

Studio 7 yave nemazuva maviri ichiedza kunzwa kugurukota rinoona nezvekudzivirirwa kwenyika, Amai Oppa Muchinguri Kashiri, avo vari kuramba kutaura nezvenyaya iyi.

Zvinhu hazvina kumira zvakanaka muSADC zvichitevera mashoko aburitswa neMalawi ichiti yatadza kutumira mauto ayo sezvo yabviswa neSADC pamwe nehurumende yeMozambique, panyika dziri kufanirwa kutumira mauto adzo kuMozambique.

Zvinonziwo pane kunetsana kuri muSADC zvichitevera danho rakatorwa neRwanda rekutumira mauto ayo chiuru chimwe chete kuMozambique.

Asi gurukota rinoona nezvekudzivirwa kweSouth Africa, Amai Nosizive Nqakula, vati chiri kunetsa kuti SADC itumire mauto kuMozambique inyaya yekuti mutungamirin weMozambique, Va PhillipeNyusi, havasati vasaina gwaro reSADC zvir pamutemo kuitira kuti ibvumidzwe kupinzwa mauto ayo muMozambique.

Munyori anoona nezvinoitika kunze kwenyika muMDC Alliance, Muzvare Gladys Hlatshwayo, vati hurumende inofanira kubuda pachena nehurongwa uhwu kunyange hazvo bato ravo riri kutsigira kuti mauto eZimbabwe aende kunobatsira kuMozambique ari pasi peSADC.

Asi imwe nhengo yeMDCT inomirira Hatfield muparemende, VaTapiwa Mashakada, vati hurumende inofanira kupihwa nguva yakafanira kuitira kuti masoja eZimbabwe asazononhonga svosve nemuromo kuCalabo Delgado.

Mutauriri wesangano reCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati sangano ravo harisi kufara kuti vanhu vari kuramba vachifa kuMozambique iyo SADC ichiramba yakapeta maoko isiri kuendesa mauto kunobatsira Mozambique kurwisa vanopfurikidza mwero.

Mibvunzo yatatumirawo munyori weSADC, Doctor Stergomena Lawrence Tax, yanga isati yapindurwa pataenda pamhepo kunyange hazvo vanoona nezvekuburitswa kwemashoko musangano iri, Amai Barbara Lope, vange vavimbisawo kuti vachatiudza pamire sangano reSADC panyaya iyi.

SADC inoti iri kushushikana zvikuru nekusagadzikana kuri mudunhu reCabo Delgado kuMozambique uko kuri kukonzerwa nevanopfurikidza mwero.

Sangano reUnited Nations rinoti vanhu vanodarika mazana masere ezviuru vakatiza misha yavo mudunhu reCabo Delagado, uye vanhu vanodarika zviuru zvitatu vava mumhirizhonga iri kuitika mudunhu iri kubva muna 2017 payatanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG