Accessibility links

Breaking News

Mutori weNhau, Tawanda Gudhlanga, Ashaya nehirwere cheCovid-19


Tawanda Gudhlangah

Vatori venhau munyika voita misodzi pamatama zvakare zvichitevera kushaya kwemumwe wavo, uyo anonzi atorwa nedenda reCovid 19.

Pasina kana mazuva akawanda vatori venhau vabva kuradzika mumwe wavo, muzvinambiri munyaya dzekutora nhau, Sandra Nyaira, uyo akamboshandira Studio7 kwemakore gumi nemaviri, mumwe mutori wenhau ange ane mukurumbira munyika, Tawanda Gudhlanga, ashaya zvakare nechirwere che Covid 19 nhasi mangwanani.

Kushaya kwaGudhlanga kwaziviswa neshamwari yake, Nigel Nyamutumbu, padandemutande rake eTwitter nhasi mangwanani.

Mutungamiri werimwe remasangano anomirira vatori venhau munyika, reZimbabwe Union of Journalists, VaMichael Chideme, vati vatori venhau varwadziwa zvikuru nekushaya kwaGudhlanga misodzi yavo yekuchema Nyaira, isati yambowoma.

Munyori musangano reYoung Journalists Association of Zimbabwe, VaLeopold Munhende, vakurudzirawo hurumende kuti isawanze misangano inoita kuti vatori venhau vange varipo vachiti hurumende yave kufanira ushandisa humhizha hwechimanjemanje kuitira kuderedza mikana yekuti vatori venhau vasangane nevari muhurumende senzira yekuderedza mikana yekubatwa nechirwere cheCovid 19.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, havana kunge vapindura mibvunzo yatavatumira uye mutevedzeri wavo VaKindness Paradza vati titaure nemunyori mubazi ravo VaNick Mangwana avo vanga vasiri kubatika panharembozha yavo.

Asi VaMangwana vanyora padandemutande ravo reTwitter vachiti varwadziwa nekufa kwaGudhlanga vakati chiri kunyanyorwadza ndechekuti nyika iri kuramba ichirasikirwa nevatori venhau vane mukurumbira.

Zvichakadai, gurukota rezvemari VaMthuli Ncube vaburitsa mashoko ekuti vachatura hurongwa hweMid Term Budget and Economic Review svon do rinouya vachishandisa humhizha hwechimanje-manje nechikonzero chekupararira kwedenda reCovid 19.

Mutungamiri weMedia Istitute of Southern Africa muZimbabwe, VaTabani Moyo, avo varatidzawo kushushikana nekufa kwaGudhlanga, vatiwo dai makambani enhau aonawo kuti vatapi venhau vanovashandira vave vashoma munzvimbo dzavanoshandira uye vane zvikwanisiro zvekuzvidzivirira kuchirwere cheCovid 19.

Mupepeti webepanhau reThe Observer, VaBarnabas Thondlana vatiwo zvakakosha kuti vatori venhau vabaiwe nhomba dzekudzivirira Covid 19 uye kuti vashandire kudzimba dzavo.

Gudhlanga, uyo ange ave nemakore makumi mana nerimwe chete ekuberekwa, ange ave maneja wenhepfenyuro yeYaFM kuZvishavane.

Gudhlanga akamboshandira makambani enhau anoti ZBC-TV achitepfenyura chirongwa chinonzi Business Forum, uye akashandirawo nhepfenyuro yeClassic263 pamwe neSport FM.

Muna 2017, Gudhlanga akapihwa mubayiro wekuva munhu akakunda vamwe vese munyika pakutepfenyura parhedhiyo mumakundano eNational Arts Merit Awards.

Kusvika pari zvino, vatori nenhau vashanu vafa nechirwere ichi kubva zvachakapinda munyika.

Vatori venhau ava vanoti Zororo Makamba, uyo akave wekutanga kutorwa nechirwere ichi, aive munyori mukuru weZUJ, Foster Dongozi, mutapi wenhau weZBC, Janet Munyaka, Sandra Nyaira pamwe naGudhlanga.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:35 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG