Accessibility links

Breaking News

VaMwonzora Vanoti Kwete kuNhaurirano Dzinoitwa muPolad


VaDouglas Mwonzora

Mutungamiri weMDC-T, VaDouglas Mwonzora, varamba kupinda munhaurirano pasi pegungano rakaumbwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vachiti havana kodzero yekupinda mugungano iri.

VaMwonzora vatora danho iri mushure mekunge VaMnangagwa vati VaMwonzora vakasununguka kupinda munhaurirano dzePolitical Actors Dilaogue, Polad, sezvo vave kutungamira bato reMDC-T uye vari ivo mukuru webato rinopikisa riri muparamende kana kuti leader of the opposition.

Mutauriri waVaMwonzora, VaLloyd Damba, vati VaMwonzora havasi kuzoita nhaurirano naVaMnangagwa pasi pePolad vachiti gwaro rakaumba Polad haribvumidze VaMwonzora kuva munhaurirano idzi sezvo vasina kukwikwidza musarudzo dzemuna 2018.

VaDamba vati Muzvare Thokozane Khupe havasisina kodzero yekuramba vachienda kuPolad kunyange hazvo vakakwikwidza musarudzo dzemuna 2018 vachiti vanotofanira kutanga vapihwa mvumo nekomiti yepamusoro yebato ravo.

Hatina kukwanisa kutaura naMuzvare Khuphe kuti tinzwe divi ravo sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaDamba vati kuve nenhaurirano munyika chinhu chakakosha asi nhaurirano dzinofanira kuitwa inhaurirano dzinosanganisirawo mapoka akaita sevemabhizimusi, vadzidzi, vedzisvondo, vashandi pamwe nevemasangano akazvimirira.

Mutungamiri weMDC Alliance, VaNelson Chamisa, vakaramba kupinda munhaurirano dzePolad vachiti nhaurirano dzinofanira kuitwa inhaurirano pakati pavo naVaMnangagwa chete vachiti gakava riri munyika igakava rekubirwa kwavanoti kwakaitwa sarudzo.

Asi Zanu PF pamwe naivo VaMnangagwa vanoti vakakunda zviri pachena uye vanoti havasi kuzotaurirana naVaChamisa kunze kwegungano rePolad.

Hatina kukwanisa kutaura naVaMnangagwa kana mutauriri wavo VaGeorge Charamba avo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi mushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi, vati hapana chakaipa kuti VaMwonzora vasade kupinda munhaurirano pasi pegungano rePolad.

Zvichakadai, mutevedzeri wemutauriri weMDC Alliance, VaClifford Hlatywayo, vashora vatungamiri vemapato anopikisa vakatambira motokari kubva kuna VaMnangagwa nezuro vachiti hazvikodzere kuti vazvimbe matumbu nekuguta veruzhinji vachinhonga svosve nemuromo.

Mutungamiri webato reNational Constitutional Assembly, Va Lovemore Madhuku, vati sevatungamiri vemapato vane basa guru rekuona kuti vaenda kunotaura neveruzhinji munyika vachivatsanangurira zvakanakira kuti mapato ezvematongerwo enyika vaite muonera pamwe chuma chemuzukuru.

Nezuro, VaMnangagwa vakapa vatungamiri vari muPolad zvikakarara zvemotokari dzemhando ye Isuzu D-Max gumi nepfumbamwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG