Accessibility links

Breaking News

Mukuru weZimbabwe National Army, VaEdzai Chimonyo, Vashaya


Mukuru wemauto mubazi reZimbabwe National Army, Lieutenant General Edzai Chimonyo, vashaya nhasi muHarare mushure mekunetsekana nechirwere chegomarara kwenguva yakareba.

Kufa kwaVaChimonyo kwatanga kuziviswa nemutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, padandemutande ravo reTwitter nhasi mangwanani.

Gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati nyika yarasikirwa zvukuru nekushaya kwaita VaChimonyo avo vavatsanagura semunhu anga akazvipira kushandira nyika.

Kunyange hazvo hurumende yatsanangura VaChimonyo semunhu ainge akazvipira kushandira nyika, vamwe vanoti mabasa akaitwa naVaChimonyo munguva yeGukurahundi anosvibisa pamwe nekurwadzisa moyo yevanhu vane hama dzakaurayiwa munguva iyi.

Munyori mukuru musangano reIbetshu LikaZulu, VaMbuso Fuzwayo, vati havasi kufara kuti VaChimonyo vafa vasati vamiswa pamberi pematare kuti vadaire kuti chii chavakaita pakaurayiwa kwevanhu kuMidlands nekuMatabeleland munguva yeGukurahundi.

Mutungamiri webato reDemocratic Party, VaUrayayi Zembe, vatiwo kushaya kwaVaChimonyo pakatariswa nhoroondo yavo, kunoratidza pachena kuti chave kudikanwa kuvandundzwa kwemashandiro emauto munyika kuitira kuti azadzise zvido zveveruzhinji kwete zvemapato ezvematongerwo enyika.

VaChimonyo vakarwa muhondo yerusununguko vakapinda muchiuto muna 1980 pakawana nyika kuzvitonga.

Vakazoshanda mubazi rezvekunze kwenyika kubva muna 2008 uko kwavakazotorwa vachinomirira Zimbabwe kuTanzania kusvika muna 2017 pakapinda VaEmmerson Mnangagwa pachigaro chemutungamiri wenyika zvichitevera kusiyiswa basa nechisimba kwakaitwa muchakabvu VaRobert Mugabe mushure mekupindira kwakaita mauto mune zvematongerwo enyika.

VaChimonyo vakazokwidziridzwa pabasa vakatora chigaro chemukuru wemauto vachitsiva VaPhillip Valerio Sibanda avo vakatora chigaro chakasiyiwa naVaConstantino Chiwenga avo vakaitwa mutevedzeri wemutungamiri wenyika.

Hurongwa hwekuchemwa pamwe nekuradzikwa kwaVaChimonyo hausati hwaziviswa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG