Sangano remagweta anorwira kodzero dzevanhu reZimbabwe Lawyers for Human Rights nemamwe masangano anoshanda akazvimirira aendesa hurumende kuUnited Nations neAfrican Union achigunun’una nekutyorwa kwekodzero dzevanhu munyika.
Masangano anoti Zimbabwe Lawyers for Human Rights, ZLHR, Southern African Human Rights Defenders Network, Committee to Protect Journalists nereRobert F. Kennedy vanyorera sangano reUnited Ntaions nere African Commission on Human and People’s Rights riri pasi peAfrican Union achitsutsumwa nekutyorwa kwekodzero dzevatori venhau pamwe nevanorwira kodzero dzevanhu kuri kuitwa nehurumende yaVaEmmerson Mnangagwa.
Masangano aya ati haasi kufara nekusungwa kwevatori venhau vanoti Hopewell Chin’ono, uyo anoshanda akazvimirira, pamwe naJeffrey Moyo uyo anoshanda nebepanhau reNew York Times nevamwe vanorwira kodzero dzevanhu munyika achiti kusungwa kwavo kwaive nechekuita nezvematongerwo enyika uye kunotyorawo dzimwe kodzero dzavo.
Masangano aya anotiwo ari kutyira kuti kana bhiri rePatriotic Bill rikapsiswa hurumende inogona kushandisa mutemo uyu, uyo uchange usingabvumidze zvizvarwa zveZimbabwe kuburitsa mashoko anoonekwa seanosvibisa zita rehurumende yeZimbabwe, kutyora kodzero dzevatori venhau nevanorwira kodzero dzevanhu.
Mutauriri weZLHR, VaKumbirai Mafunda, vaudza Studio 7 kuti havangarambe vakanyara vatori venhau nevarwiri vekodzero dzevanhu vachiponderwa musaga.
Mutauriri weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaMarvelous Khumalo, vati zvakanaka kuti ZLHR nemamawe masangano anorwira kodzero dzevanhu vanyorera United Nations neAfrican Union asi vati zvanga zvakanaka kuti sangano renyika dziri kuchamhembe kweAfrica, reSouthern African Development Community, SADC, rive iro riri pamberi kusimudzira nyaya iyi.
Asi munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio 7 kuti vekunze havana chavanokwanisa kuudzira Zimbabwe kana zvizvarwa zvayo zvichityora mitemo yenyika.
Kunyange hazvo masangano anoshanda akazvimirira achiti kodzero dzevanhu dziri kutyorwa munyika, VaZiyambi vakaudza Studio 7 munguva pfupi yadarika kuti munhu anomira nemhosva yaanenge apara zvisinei nekuti abuda mumba maani.
Studio7 haina kukwanisa kunzwa divi reunited Nations kana re African Union panguva yataenda pamhepo.
Facebook Forum